Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
1. Mhepo inofamba ichitenderera ichisimudza mavhu nemarara inonzi chii? (chamupupuri)
2. Kana munhu ukatsvaira chivanze, ivhu rinosimuka richienda mudenga sehutsi rinozni chii? (guruva/huruva)
3. Kana mvura yemutsime kana murwizi yanga yakachena, ikasvibiswa zvekuti inosara yave nemadhaka nemarara kunonzi kuita sei? (kubvondoka/kubvondorwa)
4. Mbeva, nhuta kana tumwe tupuka twukaunganidza ivhu richiita zvitutu pamusoro pevhu kunonzi kuita sei? (kututa)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Tsumo:
Ruth Chikowore, Ruwa – Kuyera nyoka negavi iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamw; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.
* * *
0772 563 700 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere hubata mwana.
* * *
Tinotenda Chinhoyi – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.
* * *
Sophia Form 3, Mushayavanhu High, Gutu – Huswa hwenyati hurefu; Seka uremwa wafa; Chisi chako masimba mashoma; Chidamwoyo hamba yakada makwati; Chiri mumusakasaka chinozvinzwira.
* * *
0717 780 092 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana wake.
* * *
Blantina Mandanda paChitungwiza – Kuyera nyoka nerwodzi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva kurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.
* * *
0777 040 868 – Nzombe huru yakabva mukurerwa; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Chakafukidza dzimba matenga; Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kudya chemuzvere hubata mwana.
* * *
0712 388 814 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.
* * *
Bero, 0773 644 396 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.
* * *
Tendai Chakadenga, Uzumba – Kuyera nyoka negavo iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana wake.
* * *
Mai Millicent Chiswinga – gavi, kunobva, mukurerwa, matenga, mwana.
* * *
Manu Bhosvo, Marondera – Negavi, kunobva, mukurwerwa, matenga, mwana.
* * *
Adelaide Guri, Form 4 paDirect Contact School, Harare – Chamupupuri, guruva, kubvongodza, kuita zvitutu.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
MuchiShona tine mazwi anopikisana akawanda kufanana nezviri mumimwe mitauro. Iwe tipewo mazwi anopikisana neari pano:
1. Enda
2. Turika
3. Peta
4. Dete
5. Tapudza
6. Fukidza
7. Medza
8. Pisa
9. Tsetseka
10. Tsinziny’a
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007