CHISHONA CHAKANAKA

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

1.         Mhepo inofamba ichitenderera ichisimudza mavhu nemarara inonzi chii? (chamupupuri)

2.         Kana munhu ukatsvaira chivanze, ivhu rinosimuka richienda mudenga sehutsi rinozni chii? (guruva/huruva)

3.         Kana mvura yemutsime kana murwizi yanga yakachena, ikasvibiswa zvekuti inosara yave nemadhaka nemarara kunonzi kuita sei? (kubvondoka/kubvondorwa)

4.         Mbeva, nhuta kana tumwe tupuka twukaunganidza ivhu richiita zvitutu pamusoro pevhu kunonzi kuita sei? (kututa)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Tsumo:

Ruth Chikowore, Ruwa – Kuyera nyoka negavi iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamw; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.

* * *

0772 563 700 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere hubata mwana.

* * *

Tinotenda Chinhoyi – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakapfukidza matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.

* * *

Sophia Form 3, Mushayavanhu High, Gutu – Huswa hwenyati hurefu; Seka uremwa wafa; Chisi chako masimba mashoma; Chidamwoyo hamba yakada makwati; Chiri mumusakasaka chinozvinzwira.

* * *

0717 780 092 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana wake.

* * *

Blantina Mandanda paChitungwiza – Kuyera nyoka nerwodzi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva kurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.

* * *

0777 040 868 – Nzombe huru yakabva mukurerwa; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Chakafukidza dzimba matenga; Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kudya chemuzvere hubata mwana.

* * *

0712 388 814 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.

* * *

Bero, 0773 644 396 – Kuyera nyoka negavi iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana.

* * *

Tendai Chakadenga, Uzumba – Kuyera nyoka negavo iyo iripo; Kandiro kanoenda kunobva kamwe; Nzombe huru yakabva mukurerwa; Chakafukidza dzimba matenga; Kudya chemuzvere kubata mwana wake.

* * *

Mai Millicent Chiswinga – gavi, kunobva, mukurerwa, matenga, mwana.

* * *

Manu Bhosvo, Marondera – Negavi, kunobva, mukurwerwa, matenga, mwana.

* * *

Adelaide Guri, Form 4 paDirect Contact School, Harare – Chamupupuri, guruva, kubvongodza, kuita zvitutu.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

MuchiShona tine mazwi anopikisana akawanda kufanana nezviri mumimwe mitauro. Iwe tipewo mazwi anopikisana neari pano:

1.         Enda

2.         Turika

3.         Peta

4.         Dete

5.         Tapudza

6.         Fukidza

7.         Medza

8.         Pisa

9.         Tsetseka

10.       Tsinziny’a

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>