CHISHONA CHAKANAKA

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Tipe rimwe zita rezvinhu zvinotevera:

1. Zondo – hwanda

2. Bundo – sora/huswa

3. Rumba – mhanya

4. Zanda – zai

5. Dede – gudo/mutiro

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

J Trusau, Chishawasha – Mazwi anoreva zvakafanana: 1. dede – gudo; 2. bundo – sango.

* * *

Runiah Murire, Chisumbanje – 1. man’ina; 2. masango; 3. mhanya; 4. zai; 5. gudo

* * *

Kunashe Shonga, Marondera – 1. zondo – zondo; 2. bundo – sora; 3. rumba – mhanya; 4. zanda – zai; 5. dede – gudo.

* * *

Chiera, Budiriro Cabs – 1. rwodzi – gavi; 2. nhava – bhegi; 3. mbambaira – mabura; 4. gwere – chibage; 5 guti – mupfunhiwa

* * *

Lesley Chimombe, Glen Norah High 2 – 1. dzimba; 2. sora; 3. kwasa-kwasa; 4. zai; 5. dzadza.

* * *

0774 843 672 – 1. tsimba; 2. sora; 3. mhanya; 4. zai; 5. gudo/diro.

* * *

J Trusau, Chishawasha – Tsumo: 1. Chiri pamuchena chiri pasambe; 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradze mwana; 5. Mandikurumidza akazvara mandinonokera.
* * *
Learmore Gundani, Grade 7, Beatrice – 1. muninga; 2. chine nguwo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonokera
* * *
Sandra Manunure, Form 4, Vibrant Brooms, Kadoma – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo harovi chine nguwo ndiwo rushambwa rwakatangira kuma humbwe; 3. Zano ndega akasiya jira kumasese; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 5. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
* * *
0778 833 934 – 1. Chawanana idya nehama mutorwa ane hanganwa; 3. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi.
* * *
Lesley Chimbo, Form 3, Glen Norah – 1. pamutenure; 2. chine nguwo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
* * *
Mugambiwa Simon, Gokwe – 1. pamutema; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonokere.
* * *
0773 918 460 – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradze mwana; 5. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
* * *
Batirai Zvikomborero, Honde Valley – 1 pamutondo; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
* * *
Phillip Ruzani, Harare – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 5. Mandikurumidzire akadana mandinonoke.
* * *
Sheron Mutasa, Hatfield – Tsumo: 1. pamutenure; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
* * *
Exceed Gosha, Grade 4 Tafadzwa Primary, Unit L, Chitungwiza. – Mubvunzo wangu unoti tsaiya ihari inobikirwa chii?
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tipe mazita evana vezvinhu izvi:
1. Mwana wehwiza –
2. Mwana wedatya –
3. Mwana wekatsi –
4. Mwana wenguruve –
5. Mwana wembeva –
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links