CHISHONA CHAKANAKA

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.
Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
Tiudze rimwe zita rezvinhu izvi:
Semuenzaniso, rimwe zita redoro ndihwahwa kana kuti mhamba.
1. Rimwe zita rerukukwe (bonde)
2. Rimwe zita regudo (bveni)
3. Rimwe zita reingwe (mbada/nyarugwe/mukwengwere/chigwi)
4. Rimwe zita rehukwana (nhiyo)
5. Rimwe zita rinoreva muridzi wechinhu (mwene)
* * *
Izvi ndizvo zvakanyorwa nevamwe vana:
Knowledge Nhondova ari muForm 2 paMufakose High School, kuTriangle, kuChiredzi akati:
Mwana mucheche asina mazino akafa anovigwa ari pai, panzvimbo ipi uye nevanhu vapi?
(Anovigwa akaputirwa nemachira, kunzvimbo ine hunyoro semubani kana pedyo nerwizi uye izvi zvinoitwa nechembere bedzi.)
* * *
Richard Dovi wemuForm 4 paSt James Zongoro, kwaMutare ndokuti:
Pazvipfeko zvaipfekwa kare tinonzwa kuti vanhurume vaipfeka nhambwa ko vanhukadzi vaimbopfekawo chiiko?
(Vaipfeka mhapa iyo yaivhara mberi neshure.)
* * *
Learnmore Hamadzewawa uyo ari muForm 4 paCropus Christ High, kuKuwadzana 3 muHarare akati:
Vabereki vakafirwa nevana vanonzi chii? (Rega timbotsvaga)
* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>