CHISHONA CHAKANAKA

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
MuchiShona, munhu akapusa kana kuti anogaroita zvinhu zvinoratidza kunonoka kufunga, kana kusatofunga chaiko anonzi chii? Pane mazita anosvika 11 anoreva munhu akadai. Takati mutiudze kuti ndeapi. zeeretsi, fuza, dununu, chituta, zungairwa, rema, benzi, duutuu, dututu, nzukununu, zengeya
* * *
Zvakanyorwa nevana:
Omega Bote ari muGrade 7 paNyamande Primary School, kuDomboshava akabvunza kuti:
1. Vabereki vakafirwa nemwana kana vana vanonzii? (Rega timbotsvaga)
2. Mwana wegarwe anonzii? (Tichambotsvagurudza)
* * *
Coddylene Mary Vhurandi anodzidza muForm 4 paSeke 5 High School, kuChitungwiza akati: Mwana webete anonzi chii? (Iyi yadzika imbomira tione)
* * *
Kudakwashe Chikuhuhu ari muForm 1 paHerentals College, muHarare ndokuti:
Ndinokumbirawo kuti mundibutsirewo mutupo wangu wenzou samanyanga. (Ona Peji 2)
* * *
Takunda Chitende ari muForm 3 paCheninga High School, kwaGutu akabvunzazve kuti:
Mwana wegarwe anonzi chii? (Rega timbotsvagurudza)
* * *
Svondo rapera vana vakabvunzawo:
Aibertina Makaza ari muForm 4 (haana kutaura chikoro) kuMhondoro akati:
Bigie Chiranga akanyora nhetembo inonzi Chimbambaira dingindira rake rakange riri rei? (Albertina, tiudze kuti nhetembo iyi iri mubhuku rinonzi chii, uye rakaburitswa nekambani ipi inodhinda mabhuku kuitira kuti tiitsvage, toiverenga togokubatsira nedingindira racho.)
* * *
Gladman Mbiri ari muGrade 7 paChisamba Primary, kuSakubva kwaMutare ndokuti:
Mombe yakachekwa inonzi jon’osi, ko imbwa yakachekwa inonzi chii? (Tinoziva kuti imbwa dzinochekwa, asi kuti kana ichinge yachekwa ine zita rainopihwa hatizive. Kana pane ane ruzivo kuvaverengi tibatsireiwo.)
* * *
Zvikanzi naTaurai Mapato uyo ari muForm 3 paSt James High School, kuZaka, kuMasvingo:
Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi, ko murume akafirwa nemukadzi anonzi chii? (Tinonzwa vamwe vachiti murume akafirwa nemukadzi ipfunda, asi handizvo nekuti pfunda murume akura asi asati aroora, kuda kufanana netsvimborume. Vamwe vanoti anonzi humburukwa, asi iri izita rakaipa, risingaite kushandisa zvine hunhu.)
* * *
MIBVUNZO WESVONDO RINO:
Kana zvikanzi: Tendai akasangana naChipo achienda kuchikoro, aienda kuchikoro ndiani? Tsigira mhinduro yako.
Mhinduro muKwayedza yesvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>