CHISHONA CHAKANAKA

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tipe mazita ezvinhu izvi:

  1. Chikanda chichena chinosiiwa nenyoka . . . (vhunurwa/guurwa)
  2. Rimwe zita refuriramudenga . . . (twiza)
  3. Hari kana kuti chikari chidiki chinobikirwa muriwo . . . (hadyana)
  4. Zvidzvanga zvinoita paganda remunhu anonyanya kudziya moto . . . (mbare)
  5. Vhudzi remuhuro meshumba hono . . . (zenze)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Tanatswa Makoni, Ralph Junior School – 1. vhinurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze

Ziko T, Rukweza – 1. vhunurwa; 2. twiza; 3. tsambakodzi; 4. mbare; 5. zenze

Nozipho Dube, Nemakonde High School, PO Box 660 Chinhoyi – 1. zuda; 2. makushe; 3. vende; 4. kuyangamara; 5. mhute

Munashe Nyamun’an’a, Form 2, Kotwa High, Chinake Village, Kotwa, Mudzi – 1. gundurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. mvere

Brando Machila, Form 3, Norton – 1. vhunurwa; 2. chidyanyoka; 3. hadyana; 4. mbare; 5. mvere

Lloyd Lazarous Kahuroka, Eparton Park – 1. vhunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5 .mabvindi/zenze.

Maria Tikidze, Grade 5, Chiwawa Primary, Renco Mine, Masvingo – 1. musvuvu/zuda; 2. mamvivi; 3. vende; 4. kupapamara; 5. uma

Romana Chitsidzo Jambwa, Godfrey Huggins Primary School, Marondera – 1. bvundura; 2. twiza; 3. mbiya; 4. mbare; 5. makushe.

Molline Kazingizi, Grade 7, Tafara 5 Primary – 1. bvunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenzere.

Sophia Sakupwanya Grade 6, Mutanda Primary School, Mutare – 1. muparavara; 2. makushe; 3. vende; 4. yangarara; 5. mhute.

Charity Bingwani, Grade 5B, Jonas Primary School, Seke, Chitungwiza – 1. vhunurwa; 2. jirafu; 3. hadyana; 4. mbare; 5. mambava.

Lavender Tagwirei – 1. vhunhurwa; 2. hadyana; 3. mbare;

Prosper Hwaire – 1. vhunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze

Rudo Mafukidze, Grade 5, Gwrusonde Primary School – 1. musvuu/zuda; 2. makushe; 3. vende; 4. kuyangarara; 5. mhute

0779 679 297 – 1. vhunhurwa; 2. twiza; 3. mbiya; 4. mbare; 5. zenze

Daneil Tinashe Brain Nyaruwata – 1. bvunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare/mharuparu; 5. vhenza

Makanaka Manezho, Grade 3, Ruvheneko Primary School, Glen Norah – 1. vhunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze.

Chitare, paBoka, Dangamvura – 1. bvunurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze

Brenda Ncube, Dzivaraswekwa 5 Primary, Harare – 1. vhunhurwa; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze

0773 804 670 – 1. kubvunura; 2. twiza; 3. hadyana; 4. mbare; 5. zenze

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Taura kuti kuchema kana ruzha rwemhuka neshiri idzi kunonzi kuita sei.

  1. Imbwa ino. . .
  2. Mombe ino. . .
  3. Shumba ino. . .
  4. Jongwe rino. . .
  5. Tseketsa ino. . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links