CHISHONA CHAKANAKA

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO YESVONDO RAPERA:
Kana zvikanzi: Tendai akasangana naChipo achienda kuchikoro, aienda kuchikoro ndiani? Tsigira mhinduro yako. (Aienda kuchikoro ndiTendai nokuti ndiye watingati “mudzi” kana kuti “mwongo” wezvataurwa. Ari kutaurwa nezvake ndiTendai kwete Chipo.
* * *
Zvakanyorwa nevana:
Omega Bote ari muGrade 7 paNyamande Primary School, kuDomboshava akati:
Tendai akasangana naChipo achienda kuchikoro, aiende kuchikoro ndiChipo.
* * *
Andrea Gwirambira ari muForm 5 paGlen View 1 High, muHarare anobvunza kuti:
Tsumo yekuti gudo rakakwira mawere kwasviba inoreveyi? (Inonzi “Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasvika”. Inoreva kuti pane zvimwe zvinhu zvinogona kuitwa kunyangwe zviome sei)
* * *
Nicholas Chawana wemuForm 2 paParirewa High School, kuDomboshava zvekare ndokuti:
Ndinokumbirawo kuti mundiburitsire mutupo wangu unonzi Marunga (hangaiwa). (Rega tiutsvage)
* * *
Vimbiso Chapfuruka ari muForm 3 paKotwa High School, kuMudzi akati:
Mubhuku renhetembo rinonzi Shoko Harivhikwi mune detembo rine musoro wekuti Ndinotenda mhai rakanyorwa naMedia Mugandani. Mubvunzo wangu unoti detembo iri ndere mhando ipi? Ko tine nhetembo dzemhando yekutenda here? (Nhetembo dzekutenda, dzinon’omba zvose nedzinorumbidza dziriko.)
* * *
Kudakwashe Ngorima ari muForm 3 paMasimbe Secondary School, kuChipinge akati:
Chii chinoti chakasviba chinenge chiri chewhite asi chakachena chinenge chiri cheblack? (Hoyoka vaverengi, batsirai.)
* * *
MIBVUNZO WESVONDO RINO:
Zita rekuti guru muchiShona rinoreva zvinhu zvinokwana kuita zvina zvakasiyana, uye pakutaurwa kwaro, izwi rimwe nerimwe rinogona zvaro kunge riine chiperengo chimwe chete chakafanana, asi richitaurwa zvakasiyana. Iwe chitiudza.
1. Guru rinoveva …………..
2. Guru rinoveva …………..
3. Guru rinoveva …………..
4. Guru rinoveva …………..
* * *
Mhinduro muKwayedza yesvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links