Chishona chakanaka

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Zita rekuti guru muchiShona rinoreva zvinhu zvinokwana kuita zvina zvakasiyana, uye pakutaurwa kwaro, izwi rimwe nerimwe rinogona zvaro kunge riine chiperengo chimwe chete chakafanana, asi richitaurwa zvakasiyana. Iwe chitiudza.

1. Guru – inyama yemudumbu munochengeterwa huswa hunenge hwafurwa.

2. Guru – mwena wakakura unowanikwa sepachuru. Munogona kugara tsuro kana nyoka.

3. Guru – kutsanangura chinhu chikuru chiri mumupanda 5. Sekuti badza kana bhora guru.

4. Guru – rimwe zita rebarika, zvichireva murume ane vakadzi vakawanda.
* * *

Zvakanyorwa nevana: Omega Bote ari muGrade 7 paNyamande Primary School, kuDomboshava ndokutiwo:
Hedzinoi mhinduro dzemibvunzo:
1. Guru – kukura kwechinhu

2. Guru – regomba

3. Guru – renyama

* * *
Albertina Makaza ari muForm 4 paRio Tinto Mhondoro High School, kuMhondoro akabvunza kuti:

Kubva mubhuku rinonzi Tipewo Dariro nyanduri Maureen Mataranyika akanyora nhetembo inonzi Chimbambaira, dingindra rake raive rei?

(Dingindira renhetembo yaMataranyika inonzi Chimbambaira ndere ngozi nenjodzi iri mukuve netuturikwa kana kuti tsindidzo kana zvimwe zvinhu zvakaipa zvinovanzwa, nekuti zvinogona kuzobuda nekukonzera matambudziko mazhinji uye akakura kwazvo.)

Ranias Mashiri akanyora yake inoti Zuva Rakasvika Mhandu, ndedzipi tsumo dzinowanikwa munhetembo yake?

(Munhetembo yaRenias Mashiri hamuna tsumo asi mune enzaniso dzakawanda.)
* * *

Godknows Chiparausha ari kuita Lower 6 paChitindiva High School, kuHurungwe akati: Ice cream nechiShona inonzi chii? (Inonzi tapitonho, riri zita rinobatanidza tapira natonhora. Asi nyangwe ukati aizi kirimu unongonzwikwa.)
* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>