CHISHONA CHAKANAKA

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected] Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Ronga mavara ari pazasi neakakodzera kuti areve chinhu:

madora, tsenza, chibage, nzungu, zviyo,

  1. Tanhaura . . . (nzungu)
  2. Wurutsa . . . (zviyo)
  3. Svina . . . (madora)
  4. Para . . . (tsenza)
  5. Furura . . . (chibage)

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Rutendo Julius, Kaola Park, Seke, Chitungwiza – 1. nzungu; 2. zviyo; 3. madora; 4. tsenza; 5. chibage.

Alexio Muhanya, kuGweru – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Jojola, Budiriro 5A – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Happy Garakasha – 1. svina madora; 2. para tsenza 3. furura chibage; 4. tanhaura nzungu; 5. wurutsa zviyo.

Gilbert Kachidza, Kapotesa School, Shamva – 1. tanhaura nzungu; 2. para tsenza; 3. svina madora; 4. furura chibage; 5. wurutsa chibage.

Concilia Mafengu, Gokwe – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. zvina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

0777 194 901 – Rutsva munjodzi raunenge wasangana naro.

Andrew Gendi, kuChi-town – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Loice Kavhai, Form 1 paTsakare Sec School, Mt Darwin – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Wish, Wish College of Karate WCK – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Kimberly Matibiri Milestone Academy, Waterfalls – 1 nzungu; 2. zviyo; 3. madora; 4. tsenza; 5. chibage.

Esther Karombo, number 4B, Bradfield – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Esther Karombo, Form 1 – Tsvubvu muchero unodyiwa.

Daisy Kapere, Westgate – 1. tanhaura nzungu 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

Daisy Kapere, Westgate – Tsubvu muchero unowanikwa musango, kunyanya kumamisha.

0714 816 377 – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. svina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

0714 816 377 – Tsvubvu muchero wemusango.

Tanaka Kativhu, Mutoko – Muchero unodyiwa.

Kudzi Mambo, Overspill – 1. tanhaura nzungu; 2. wurutsa zviyo; 3. zvina madora; 4. para tsenza; 5. furura chibage.

ZVEKUITA:

Zadzisa:

  1. Nyemba dzakakangwa dzikatswiwa, dzozobikwa dzinonzi –
  2. Manhanga anochekwachekwa obikwa nemashamba nedovi neupfu hushoma anonzi –
  3. Nyama yakaomeswa inonzi –
  4. Chibage chakakangwa chinonzi –
  5. Mafuta anowanikwa mumukaka anonzi –
  6. Mvura inobviswa mumukaka wakakora inonzi –

Onai mhinduro svondo rinouya.

Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links