CHISHONA CHAKANAKA

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana [email protected] <mailto:[email protected]>. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa:

  1. Nyemba dzakakangwa dzikatswiwa, dzozobikwa dzinonzi – rupiza
  2. Manhanga anochekwachekwa obikwa nemashamba nedovi neupfu hushoma anonzi – nhopi
  3. Nyama yakaomeswa inonzi – chimukuyu
  4. Chibage chakakangwa chinonzi – maputi/mhandire
  5. Mafuta anowanikwa mumukaka anonzi – ruwomba
  6. Mvura inobviswa mumukaka wakakora inonzi – mutuvi

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Faith Maidziso Chegore – 1. nzungu; 2. madora; 3. tsenza; 4. chibage

* * *

Tanaka Kativhu, Mutoko Rank – 1. rupiza; 2. nhopi; 3. mukuyu; 4. mhandire; 5. bvuta; 6. mutuwi

* * *

Daisy Kapere, Westgate – 1. mutakura; 2. nhopi; 3. chimukuyu; 4. maputi; 5. mafuta; 6. mutuvi

* * *

Isaac Madimbire, Dz Ext – 1. rupiza; 2. nhopi; 3. chimukuyu; 4. maputi; 5. ruomba.

* * *

Tawanda Chitare, paBoka, Mutare – 1. rupiza; 2. nhopi; 3. chimukuyu; 4. maputi; 5. ruomba; 6. mutuvi.

* * *

Jealous Makaza – Tsubvu yakaita round iri dema. – (“round” tinoti “denderedzwa” uye hazvinzi iri “demba” asi kuti iri “nhema” – MUPEPETI.)

* * *

Beliemore Chengeta, Masvingo, Vic Rank – Tsubvu muchero womusango.

* * *

Nicole Kamba, Madziwa – 1. nzungu 2. zviyo 3. madora; 4. tsenza; 5. Chibage.

* * *

Shumba Crispen, C.Z.A High School, Madziva Goora – 1. nzungu; 2. zviyo; 3. madora; 4. tsenza; 5. chibage.

* * *

ZVEKUITA:

  1. Chibage chakakangwa kana kuputitswa chinonzi chii?
  2. Chibage chisina kubereka, chinongori shanga chete chinonzi chii?
  3. Tsanga dzechibage chakaomeswa dzinofashaidzwa dzodyiwa dzinonzi chii?
  4. Chibage chinyoro chekupedzisira kana chakapedzisira kudyarwa
  5. Chinosara kana tsanga dzechibage dzatokonorwa chinonzi chii?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links