CHISHONA CHAKANAKA

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected] Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Miswe yemhuka idzi inonzi chii?

  1. hwai – bemhe/beme
  2. hove – besu
  3. nyoka – rumhinda/rubinde
  4. shiri – besu

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Plack Njekesa, Seke – Vara rinoreva chakata ihacha.

* * *

Kudzi Mambo, Grade 6, Epworth Primary School, 0771 143 798 – Rimwe izwi rinoreva chakata ihacha.

* * *

Chrispen Musarurwa, Bakasa, Guruve – Rimwe zita rechakata ihacha kana kuti hatya.

* * *

Moleen Chindedza, Zengeza 3, Chitungwiza – Rimwe zita rechakata ihacha.

ZVEKUITA:

Pedzisa mitsara iyi nemazwi akakodzera:

  1. Mombe inotipa . . . (huswa, mukaka)
  2. Kiti inobata . . . (huku, makonzo)
  3. Imbwa ino. . . (hukura, kuma)
  4. Shiri ya. . . (mhara, kukuridza)
  5. Huku inotsvara pasi ne. . . (muromo, tsvarapasi)

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links