CHISHONA CHAKANAKA

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.
Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.
Semuenzaniso:
1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)
2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)

Chinyorwa 1:
1. hcirgui – chinosara panenge patonongorwa chibage (chiguri)
2. ann’ay – mwana weshiri (ny’ana)
3. dinar – mwedzi wekutangisa gore (Ndira)
4. vziat – mwedzi wekugumisira mugore (Zvita)
5. rabarava – musoro wakagerwa vhudzi rese (baravara)
* * *
Zvakanyorwa nevana:
Dione Chipiro wepaSt Patrick’s Mission kuNyanyadzi akabvunza kuti:
1. Pendeke munhu akaita sei?
2. Muchero wematamba unoita kangani pagore?
3. N’anga yechikadzi inonzi chii?
* * *
Ramoth Samatinha wepaNyanga High, kuNyanga ndokuti:
Tsumo yekuti kufa kwehosi inosiya imwe yakafanana neipi?
* * *
Omega Bote ari muGrade 7 paNyamande School kuDomboshava anobvunza kuti:
Munhu asina mwana kana asingabereki anonzii?
* * *
Lllian Matiza ari muForm 5 paKute High School kuNyanga ndokuti:
Musoro webhuku rinonzi PAFUNGE! unomborevei?
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa ayo akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.
Mienzaniso:
1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)
2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)

Chiitawo izvi:
1. ndaag – munorara mombe
2. nodgo – musha wakatamwa
3. vsusuvu – tubota tutete twemurwere
4. tiad – rinoshandiswa pamwe nemiseve
5. imesev – inoiswa padati
* * *
Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>