CHISHONA CHAKANAKA

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tsanangura zvinoreva zvirevo zvinotevera:

1. Kutenderedza musoro

2. Kutemesa musoro

3. Kutyora mapfupa

4. Kudya moto

5. Kushaisa hope

6. Kutsvukisa maziso

 

MHINDURO:

1. Chinhu chinonetsa kuchigadzirisa.

2. Kushaya zano rekuita nechinhu.

3. Zvinhu zvinonetesa kana kushaisa zano.

4. Kupenga kana kugumbuka.

5. Kunetsekana nechinhu.

6. Kugumbuka.

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Makadii Mupepeti? Ini ndinonzi Elismore Gunda, ndiri Form 4 paMutekedza Secondary School kwaSadza, kuNjanja. Ndinoda kubvunza kuti ndeupi musiyano uripo pakati pegonzo nembeva?

(Gonzo rinowanzogara panogara vanhu semumba uye haridyiwe asi mbeva kazhinji haigare mumba asi ichidyiwa.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Pane zvirimwa zvakawanda, uye zvinobereka nenzira dzakasiyana-siyana.

Zvimwe zvirimwa zvinotambarara kana kutanda, zvimwe zvinoitira vana vazvo pasi pevhu, zvimwe zvichiberekera vana vazvo pamusoro pevhu.

Tiudze zvirimwa zvaunoziva zvinoberekera vana vazvo muvhu.

* * *

Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.

***

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>