CHISHONA CHAKANAKA

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tsanangura uye ugoshandisa madimikira aya mumitsara kuti uone kana wave kuanzwisisa:
1. Kubata kumeso (kunyengedza)
2. Kubata huku (kuripa/kuripiswa)
3. Kubatira hura mumawoko (kutya/kutyiswa zvikuru).
4. Kubata makwenzi (kushandisa mishonga yechivanhu)
5. Kunakurirana nyoka mhenyu (kuramba kubvuma dambudziko wobva watsvaga mumwe munhu wekupomera)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Nyaudzosingwi dzekudya:
Nyaudzosingwi dzinobatsira kujekesa maitikiro ezvinhu. Ndidzowo dzinoita kuti kana vana muchinyora rondedzero kana nhetembo, mukadzishandisa zvakanaka uye pakakodzera, dzibatsire kuti muburitse mutakunazva wezvinyorwa. Asi zvakakosha kuti musamanikidzire nyaudzosingwi, tsumo nemadimikira pazvisingashande sezvo izvo zvichisvibisa moyo wemuverengi.
Tipeiwo nyaudzosingwi dzine chekuita nekudya.
Tinoda kubva pakunokora kana kutimba, toenda pakuisa chikafu mukanwa, kutsenga, kumedza nekunwa mvura kana chinwiwa. Zvose izvi zvine nyaudzosingwi dzinobatsira kutsanangura.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>