Chishona chakanaka

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Nyaudzosingwi dzekudya:

Nyaudzosingwi dzinobatsira kujekesa maitikiro ezvinhu. Ndidzowo dzinoita kuti kana vana muchinyora rondedzero kana nhetembo, mukadzishandisa zvakanaka uye pakakodzera, dzibatsire kuti muburitse mutakunazva wezvinyorwa. Asi zvakakosha kuti musamanikidzire nyaudzosingwi, tsumo nemadimikira pazvisingashande sezvo izvo zvichisvibisa moyo wemuverengi.

Tipeiwo nyaudzosingwi dzine chekuita nekudya. Tinoda kubva pakunokora kana kutimba, toenda pakuisa chikafu mukanwa, kutsenga, kumedza nekunwa mvura kana chinwiwa. Zvose izvi zvine nyaudzosingwi dzinobatsira kutsanangura.

Mhinduro:

Kutimba kana kunokora — mba, medu, noko, mwau, bvutu, tsvai,

Kudya — ndo, kabu, pfo,

Kutsenga — bwabwabwa, bwabwanyu, tsengu,

Kumedza — gurwi, gadya, gudyu, gagaira, dhudhudza, dhudhudzira, medzu, bo,

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Rodgers Masunda anodzidza paMasekayi (Boora) High School, kuBikita akabvunza kuti:

Musoro webhuku wekuti ‘Bhanan’ana’ unoenderana here nezviri mubhuku? (Hezvoka varairidzi, batsirai Rodgers.)

* * *

Batsirai Gwati ari muGrade 7 paKaroi Primary School ndokuti:

Ndinokumbirawo kuudzwa kuti ruwoko rwembambaira neruwoko rwehuku zvinorevei? (Ndiye munhu wekuti akarima mbambaira kana kuva nehuku zvinoita kana kuwanda.)

* * *

Chrispen Makopa ari kuita Form 5 kuKadoma (haana kutaura zita rechikoro) anoti:

Murume akafirwa nemukadzi anonzi pfunda, mukadzi akafirwa nemurume anonzi shirikadzi uye vana vakafirwa nevabereki vanonzi nherera. Ko vabereki vakafirwa nevana vanonzi chii? (Hezvoka varairidzi, udzai Chrispen.)

* * *

Preciuos Makubvure anodzidza muForm 4 paMuzokomba Government High School, kuBuhera anobvunza kuti:

Kuva buno risifemberi zvinorevei?

* * *

Zvikanzi naPraise wepaMakomo Primary, kuEpworth:

Mwana weshumba nenyati anonzi chii? (Weshumba ihanda, wenyati imhuru.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipewo mazwi gumi eShona ane chiperengo chakafanana asi achireva zvakasiyana. Ubva watsanangura zvacho zvakasiyana zvaanoreva. Mienzaniso ndeiyi:

1. Guru renyama yemudumbu memombe.

Guru rinovawo rimwe zita rebarika

2. Gona zvichireva kugona kwekukwanisa kuita chinhu.

Gona rinoreva mushonga unoshandiswa kuita zvinhu zvakasiyana-siyana

Share This:

Sponsored Links