CHISHONA CHAKANAKA

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.

Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Emmanuel Tsoka ari kuita Lower 6 paSanzaguru High, kwaRusape anoti:

Makasimba here? Ndinotenda nerudo rwenyu uye nebasa guru ramunoshanda mukuedza kusimudzira isu vadzidzi. Mubvunzo wangu unoti, “Musoro wekuti Bhanan’ana unorevei uye unozadziswa sei nezviri mubhuku Bhanan’ana?” (Varairidzi batsirai Emmanuel.)

* * *

Davie Tee Muchini anodzidza kuShongamiti ndokuti:

Ndinoda kuziva kuti mwana wehove anonzi chii? – 0775 351 901. (Vamwe vanoti musinde/sinde.)

* * *

Ever Mafuwa wemuForm 4 paMadzivire Secondary School, kuBuhera akati:

Ndinobvunza kuti composition inouya nepie chat kana graph unoipindura sei? – 0771 118 199. (Hoyoka mubvunzo vadzidzisi, batsirai Ever.)

* * *

Lloyd Kanokanga wekuMudzi ndokuti:

VeKwayedza muri kugona basa zvachose. Chikumbiro changu ndechekuti tipeiwo mukana wekutsikisirwa nyaya pfupi dzatinadzo dzatakanyora. (Ramba uchiverernga Kwayedza nokuti mukana iwoyo uri kuuya.)

* * *

Zvikanzi naAgenda Chinyama uri ari kuita U6 paMhakwe High, kuChimanimani:

Makadii veKwayedza? Ndinonyanyopa rutendo kuna VaIgnatius Mabasa nenyaya dzavo dzinoraira.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Kutsenga:-

Tinodya zvinhu zvakawanda, uye zvakasiyana-siyana. Zvinhu zvatinodya tinozviisa mukanwa, totsenga kuti zvipfave nekuita tumedu tudiki-diki tunomedzeka.

Kana tatsenga tinobva tazomedza. Ukakurumidza kumedza usati wanyatsotsenga unodzipwa. Kudzipwa zvinoreva kuti chikafu chinenge chagara pahuro chichiramba kudzika kuenda mudumbu.

Kana ukadzipwa unotadza kufema uye unogona kutofa.

Kudzipwa kwakasiyana nekukachidzwa. Kana wakachidzwa, chikafu chinenge chaenda nekusiriko zvekuti unokosora.

Gadzira mitsara uchishandisa mazwi 1 kusvika 4.

1. kutsenga

2. kumedza

3. kudzipwa

4. kukachidzwa

5. kuita machimbidza kumedza kutsenga kuchada kuita sei?

* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>