CHISHONA CHAKANAKA

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Madimikira aya anorevei?

1. Kuita musoro (kushandisa pfungwa kuunza budiriro)

2. Kuve neruwoko (kuba)

3. Kuita mudumbu (kutya)

4. Kuita pamuromo (kudenha)

5. Kuita gumbo mumba gumbo panze (kusavimbika kweari muwanano)

6. Kushaya ganda kumeso (kusanyara)

7. Kuve nemukanwa (kukara/kuruta)

8. Kuita meso-meso (kuva neruchiva)

9. Kurasa tsoka (kutiza)

10. Kusiiwa pachena (kusara musina chinhu)

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Ndinoda kugadzirisa zvakanyorwa naTicha Danga pachikamu cheGrade 7, pakugara nhaka mukoma haagari nhaka mukadzi wemunin’ina nekuti mukoma anofananidzwa nababa saka anenge ari tezvara kuna amainini. Vanin’ina vemurume ndivo chete vanogara nhaka mukadzi wemukoma. – M.T.K, Harare.

* * *

Tariro Chikonyora ari kuita L6 paMushumbi High School, kuGuruve anobvunza kuti:

Tsumo inoti nhumbu mukadzi mukuru haireve chayadya inorevei? (Zvimwe zvinhu zvinogona kuvanzika zvekunetsa kuti zvibude pachena.)

* * *

AnesuTrust Mukandigomba ari muGrade 7 paMuparutsa Primary School, kwaMutasa akati:

Mwana wembeva anonzi chii? (Iyo yakora iyo, varairidzi pindirai.)

* * *

Lameck Makula ari kuita Lower 6 paTsanzaguru High, kwaRusape ndokuti:

Maitiro evatambi vari mubhuku rinonzi Bhanan’ana anobatsira sei kusundidzira rungano mberi? Tsigira zvizere nezvinoitwa nevatambi vari mubhuku. (Vadzidzisi batsirai Lameck)

* * *

Gary Murahwi ari muForm 4 paNyagundi Secondary School, kwaMutare akati:

Ndeipi nyika ine upfumi hwakawanda pasi rino iyo iine vanhu vakawanda zvakare? (Nyika yaunoreva iChina nekuti ndiyo ine vanhu vakawandisa kupinda dzimwe (1,357 billion) uye yakapfuma.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Enzaniso nefananidzo:

ChiShona mutauro wakapfuma kwazvo. Nguva zhinji unoshandisa madimikira, tsumo, enzaniso, fananidzo nezvimwe zvirungamutauro kubatsira kutsanangura nekujesa kana kusimbisa pfungwa dzezviri kutaurwa.

Zvirevo izvi zvinoshandiswa mukunyora rondedzero nezvimwewo zvinyorwa kana pakutaura. Zvirevo zviri pasi zvinoshandisa fananidzo.

Pedzisa fananidzo idzi sezvadzinonyanyoshandiswa muchiShona.

1. Munhu anodyisa zvakanyanyisa anonzi, anodya se…

2. Munhu mukobvu zvakanyanyisa anonzi, akafuta se…

3. Munhu mutsvuku-tsvuku anonzi, akatsvuka se…

4. Munhu mupfupi-pfupi anonzi, akapfupika se…

5. Munhu mutema zvakanyanya anonzi, mutema…

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>