CHISHONA CHAKANAKA

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Ganda: Ganda remunhu rinoitika zvinhu zvakawanda. Rinogona kukwasharara kana richinge raita mhezi kana kutsva rikazopora. Ganda remunhu rinogona kucheneruka kana kutsemuka. Ganda rinogonazve kutsemuka, kuchekeka, kana kufunuka. Mazwi ari pazasi apa anotaura mamiriro eganda akasiyana-siyana. Tiudze kuti anorevei?

1. Maparapadzwa: Zvinoreva kumarwa-marwa kweganda zvekuti rinosara richionekwa tumitsetse. Kazhinji huswa hwakasimba netumiti ndizvo zvinoita maparapadzwa.

2. Mharuparu: Uku kutsemuka-tsemuka kweganda. Kazhinji kunoitika kana ganda risingawane mafuta zvekuti rinoita serine mabhokisi anenge ebhuku resamhu.

3. Man’a: Aya anowanzowanikwa mutsoka, muzvitsitsinho. Uku kutsemuka kweganda zvekuti rinosara rakashama. Mamwe man’a anotobuda ropa.

4. Mhororodzi: Idzi dzinoitika kana munhu akaendwa nemvura zvekuti dzinoyerera dzichiratidza padzafamba napo paganda.

5. Shena: Uku kucheneruka kweganda, kunyanya kana munhu anga achitambira muvhu kana munzvimbo inoisa mavhu paganda. Dota nehupfu zvikaenda paganda zvinoitawo kuti rive neshena.

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Praise V. Sachinda ari kuita Form 4 paNyagundi Secondary School, kuOdzi anobvunza kuti:

Zvinonzi zvidavado pakuongorora nekuyemura nhetembo ndezvipi? (Vadzidzisi batsirai mwana uyu.)

* * *

Malvin Ganyiwa ari muGrade 7 paZuvarabuda Primary School, kuGlen Norah A, muHarare anoti:

Chirahwe chekuti mwanangu zvarira kumwe chinorapanurwa sei? (hezvoka varairidzi.)

* * *

Emmanuel Muringakumwe wekuHonde Valley ndokuti:

Mwana wenhata anonzi chii? (Yakwidza makata iyi vadzidzisi.)

* * *

Zvikanzi naBlessed Muranda wemuForm 2 paRutope Secondary School, kuShamva:

Tsumo yekuti natsa kwawabva kwaunoenda husiku yakafanana neipi? (Uku ndiko kudya kwenyu varairidzi.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Zvishoma nezvizhinji:

Nyora mazwi anotevera aya ari muuzhinji.

1. Mukadzi vakadzi

2. Gavi

3. Mwana

4. Huku

5. Mbeva

6. Zino

7. Mbavha

8. Mombe

9. Muti

10. Muto

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links