CHISHONA CHAKANAKA

02 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Zvishoma nezvizhinji:
Nyora mazwi anotevera aya ari muuzhinji.
1. Mukadzi (vakadzi)
2. Gavi (makavi)
3. Mwana (vana)
4. Huku (huku)
5. Mbeva (mbeva)
6. Zino (mazino)
7. Mbavha (mbavha)
8. Mombe (mombe)
9. Muti (miti)
10. Muto (muto)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Gadzira mazwi uchizadzisa nekupedzisa mavara anotevera.
Edza kugadzira mazwi matatu, uye mamwe mazwi ako anogona kunge achishandisa mavara aya mukati kwete kwekutanga chete.
1. Tsv (Tsvimbo/Mutsvairo/Tsvedza)
2. Nzv
3. Dzv
4. Tsw
5. Shw
6. Pw
7. Zhw
8. Bw
9. Pf
10. Gw
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links