CHISHONA CHAKANAKA

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.

Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tiudze midziyo inoshandiswa pamabasa aya:

1. Tinotswira mu…(duri)

2. Tinokamira mukaka mu…(hwedza)

3. Tinopepetera mu…(rusero)

4. Tinodyira mu…(ndiro)

5. Tinonwa mvura ne…(mukombe)

6. Tinopakura sadza ne…(mugwaku)

7. Tinotakurira muriwo mu…(dengu)

8. Tinoisa mafuta mu…(chinu)

9. Tinobereka mwana ne…(mbereko)

10. Tinokuya ne…(huyo)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Obey Kwembeya anodzidza paNyagundi Secondary, kwaMarange, Mutare anoti:

Ndinoda kuziva kuti nyika yakatanga kugadzira chitima ndeipi pamwe neine bhiriji hombe pasi rose?

(Harinzi bhiriji asi kuti zambuko. China ndiyo ine zambuko rakarebesa.)

* * *

Anesu Ziya Checha ane makore 9 uye ari muGrade 3 paMuparutsa Primary School, kuHonde Valley ndokuti:

Ndinoda kuziva kuti mwana wenzou anonzi chii? (imhuru)

* * *

Ndibatsireiwo pamubvunzo wandakaona mubepa rebvunzo reZimsec 0-Level reShona rakanyorwa makore adarika.

Chii chatinokama kana taenda kudanga?

A. mombe B. mukaka C. zamu D. minyatso. Ngationesanei ipapo mubvunzo watinetsa uyu. – 0775 906 514.

(Varairidzi batsirai asi mombe ndiyo inokamwa ichibuda mukaka.)

* * *

Blessing Saungweme ari muForm 5 paFCA, kwaMutare ndokuti::

Uyo Ashely akabvunza nguva yadarika kuti mukuwasha wemukuwasha ndiani, isu vanaSamanyika tinoti “mukuwasha zukuru”.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Pedzisa mitsara iyi:

1. Fodya inochengeterwa mu…

2. Bhegi remuvhimi remakavi rinonzi…

3. Nyuchi dzinogadzirirwa …

4. Maputi anokangirwa mu…

5. Hari yedoro inonzi…

6. Hari yemahewu inonzi…

7. Pamoto, poto inogara pa…

8. Kunorasirwa marara kunonzi …

9. Imba inoitirwa tsvina inonzi…

10. Migoti, mipinyi zvinovezwa ne…

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links