CHISHONA CHAKANAKA

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Nyora mazita evana vemhuka dzinotevera:

Mwana wekatsi – (chidharimbo)

Mwana wehuku – (nhiyo kana hukwana)

Mwana wegudo – (rushiye)

Mwana wembwa – (mbwanana kana handa)

Mwana weshumba – (mbwanana kana handa)

Mwana wehwiza – (dambaza kana uyani)

Mwana wemombe – (mhuru)

Mwana wenzou – (mhuru)

Mwana wemunhu – (rusvava, rushiye, mwana, kacheche)

Mwana weshiri – (ny’ana)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

MuchiShona mune mazwi anogona kutaurwa achiita seakapesaniswa mamwe mazwi, asi achireva zvakafanana nyangwe akadaro. Semuenzaniso:

1. Ratidza rinogona kunzi taridza

Iwe pedzisa kuti mazwi anotevera anogona kunyorwa nekutaurwa nenzira ipi:

1. Sunungura

2. Dzangaradzimu

3. Natsidzira

4. Rusungunuko

5. Turunura

6. Dzengedzeka

7. Degaira

8. Kandiranwa

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links