Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Nyora mazita evana vemhuka dzinotevera:
Mwana wekatsi – (chidharimbo)
Mwana wehuku – (nhiyo kana hukwana)
Mwana wegudo – (rushiye)
Mwana wembwa – (mbwanana kana handa)
Mwana weshumba – (mbwanana kana handa)
Mwana wehwiza – (dambaza kana uyani)
Mwana wemombe – (mhuru)
Mwana wenzou – (mhuru)
Mwana wemunhu – (rusvava, rushiye, mwana, kacheche)
Mwana weshiri – (ny’ana)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
MuchiShona mune mazwi anogona kutaurwa achiita seakapesaniswa mamwe mazwi, asi achireva zvakafanana nyangwe akadaro. Semuenzaniso:
1. Ratidza rinogona kunzi taridza
Iwe pedzisa kuti mazwi anotevera anogona kunyorwa nekutaurwa nenzira ipi:
1. Sunungura
2. Dzangaradzimu
3. Natsidzira
4. Rusungunuko
5. Turunura
6. Dzengedzeka
7. Degaira
8. Kandiranwa
* * *
Mhinduro svondo rinouya.