Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
HOVE:
Vanhu vairaura kana kuredza hove kubva kare kwazvo. Hove dzaibatwa nenzira dzakasiyana-siyana.
Vamwe vaiita dzekuisira mushonga, vamwe vachiteya nemaduwo kana kukukudza nemambure.
Idzo hove dzine mhando dzakasiyana-siyana uye dzinozivikanwa nemazita adzo. Iwe chitiudzawo mazita ehove shanu dzaunoziva.
1. Gwaya
2. Mhatye
3. Hunga kana mukunga
4. Mbaravazi
5. Muramba
6. Mbaravazi
7. Mburi
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Hwiza/mhashu/ndongwe:
Mazita ekuti hwiza, ndongwe kana kuti mhashu, akangofanana nekuti mhuka, asi kune mhando zhinji dzemhuka. Saka nesuwo muno muZimbabwe, tine mhando dzakawanda kwazvo dzehwiza. Iwe tiudzewo mhando shanu dzehwiza dzaunoziva.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.