Chishona chakanaka

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

HOVE:

Vanhu vairaura kana kuredza hove kubva kare kwazvo. Hove dzaibatwa nenzira dzakasiyana-siyana.

Vamwe vaiita dzekuisira mushonga, vamwe vachiteya nemaduwo kana kukukudza nemambure.

Idzo hove dzine mhando dzakasiyana-siyana uye dzinozivikanwa nemazita adzo. Iwe chitiudzawo mazita ehove shanu dzaunoziva.

1. Gwaya

2. Mhatye

3. Hunga kana mukunga

4. Mbaravazi

5. Muramba

6. Mbaravazi

7. Mburi

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Hwiza/mhashu/ndongwe:

Mazita ekuti hwiza, ndongwe kana kuti mhashu, akangofanana nekuti mhuka, asi kune mhando zhinji dzemhuka. Saka nesuwo muno muZimbabwe, tine mhando dzakawanda kwazvo dzehwiza. Iwe tiudzewo mhando shanu dzehwiza dzaunoziva.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links