CHITUNHA CHAKACHEMA, CHIKASVIMHA MISODZI . . . achiri mupenyu, akachiviwa neimwe chembere

13 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
CHITUNHA CHAKACHEMA, CHIKASVIMHA MISODZI . . . achiri mupenyu, akachiviwa neimwe chembere Edmore Karembera

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemukomboni yepapurazi reGlen Luce kana kuti Green riri kuNorton, pasi paMambo Nyamweda, vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yechitunha chemwana wemakore matatu okuberekwa icho chiri kunzi chakatanga kuchema chichiyerera misodzi, ndokukosora chichiburitsa izwi zvakajeka apo chaiva chava kuda kuburitswa mumba kunovigwa.

Mutumbi wemwana musikana anonzi akachema nekukosora ndewaJesca Karembera (3).

Mwana uyu anonzi haana kurwara uye akangotanga achichema achinzi aitaura kuti airohwa nezvinhu zvaaisaonekwa nevanhu vakuru mushure mekunge aswera achitamba nevamwe vana zvakanaka asi ndokuzongofa husiku hwezuva iroro.

Mazuva mashoma pakazoshaika mwana uyu, pane mumwe mudzimai wechikuru wemukomboni umu anonzi akaenda kwaari aine vamwe vake achitaura mashoko ekumuchiva nekusimba kwake achiti nyama yake inogona kunge ichinaka samare.

VaEdmore Karemberra (35), vanova baba vemwana uyu, vari kutsinhira nyaya yekuti chitunha chake chakachema zvose nekukosora.

“Mwana wangu haana kumborwara, akatoswera achitamba nevamwe vana achibva azoshaika kunze kwava kuedza husiku hwacho. Chinoshamisa ndechekuti kune mudzimai wechikuru wemukomboni medu muno anonzi mazuva maviri aiva adarika akauya paitamba vana, ndokubvunza mwana wangu zita rake achibva ataurirwa.

“Chembere iyi inonzi yakazotaurira mwana wangu kuti muviri wake wairatidza kuti nyama yake inonaka kudya. Pakarepo vanonzi vakapa mwana wangu mhosva yekuti sei aisavamhoresa achigara achivatiza. Vanonzi vakazomutaurira vamwe vana varipo vachinzwa kuti vaizopedzerana naye,” vanodaro VaKarembera.

Imba yaiva nechitunha nechitunha chinonzi chakachema

Tirere nemudzimai wangu, takazongonzwa mwana ava kumara amai vake achiratidza kurwadziwa uye achichema kuti airohwa.

“Mwana akangotanga kuita zvaisanzwisisika achimara amai vake nekuvindura maziso. Takazomuka ndokuedza kuenda naye kumuporofita apo mwana akabva afa tisati tasvika kunobatsirwa. Mwana wangu anonzi akarohwa nezvivanda kana kuti zvidhoma.”

VaKarembera vanoti vakadzokera nemutumbi kumba ndokushevedza vechikuru vakaongorora mwana vakataura kuti aiva afa.

“Mwana akashaika musi weMugovera svondo rakapera ndokuswera naye vanhu vaungana tikarara, ndokuzoronga zvekumuradzika nemusi weSvondo. Chitunha chemwana chichiri mumba uye vanhu vakaungana kumuchema, kwakauya chamupupuri chakabva nekumadokero chikasvikopinda mumba, chikanotenderera paiva nemutumbi wemwana.

“Chakanowaranyura huswa hwepachisuvi chemba yaiva nechitunha chichibva chabuda. Vanoziva vanoti uku kwaiva kutorwa kwemutumbi wemwana,” vanodaro VaKarembera.

Vanoti vanhu vaiva mumba maiva nemutumbi wemwana vakazonzwa kukosora nezwi rake rekuchema raibva pachitunha.

Vanonzi vakatarisa vakaona mutumbi uyu uchiburitsa misodzi mumaziso ose ayo aiva akatsinzinya.

“Ini sababa vemwana, ndakaenda ndikafugurirwa jira raiva rakafugidzwa mutumbi wemwana waiva mubhokisi ndikaonawo chokwadi, chitunha chake chichibuda misodzi semunhu mupenyu. Misodzi yaitoyerera.

“Kusvinura hachina, asi izwi rekuchema rainzwika achiita seaidzipwa kana kukachidzwa kuti ritadze kubuda zvakanaka. Asati afa, paaitaura kuti airohwa nezvinhu aiti aivharwa muromo kuti atadze kuchema,” vanodaro baba vemwana.

Vanoti kunyange paiva nevanhu vaifunga kuti mwana uyu aiva amuka, vakuru vaivapo vaicherechedza mutumbi vachiramba vachitaura kuti aiva akafa.

Kuchema kwemwana uyu kunonzi kwakaramba kuchienderera mberi kunyangwe pakagezeswa mutumbi uyu nemachembere.

“Mwana uyu akagezeswa misodzi nekuchema kuchingoenderera mberi. Panguva yekuonekana nemufi, kwangopinda vanhu vashoma vehukama, misodzi yekuchema kwechitunha yakawedzera kubuda kuita kunge mvura chaiyo. Izwi rekuchema nekukosora kwechitunha ichi kwakawedzerawo zvakazoita kuti vakuru vaivapo vamise kuonekana nemutumbi uyu, chitunha chichibva chanovigwa.

“Mwana uyu takangomuviga akadaro achichema, zvinonzi nevamwe vakuru dzaiva shungu dzemafiro anorwadza ayo akaita,” vanodaro VaKarembera.

Mwana uyu aiva gotwe uye amai vake, Mai Nyadzai Wilson (31), vanoti vakashamiswa nefiro yake.

“Takangoviga mwana achichema semunhu mupenyu, ndiye mwana wangu gotwe. Paakazofa, aitaura kuti ndava kuenda namadzibaba bye-bye izvo tisina kunzwisisa saka tava kutsvaga vanotibatsira,” vanodaro Mai Wilson.

Mai Nyadzai Wilson

Vanoti hama padzakazomukira kuguva remwana uyu muzuva rechimangwana racho, vakawana pakatorwa ivhu pamusoro paro zvavanofungira kuti kutsipika.

“Pakaenda vechikuru kuchidza zuva raitevera, pamusoro peguva pakawanikwa ivhu rakatorwa,” vanodaro amai vemwana.

VaSilver Chafuwa (51) vanove babamukuru vanoti zvose zvakaitika panhamo yemwana wavo zvinoshamisa.

“Kubva pamafiro emwana zvaingova zvishamiso chete nekuti haana kurwara, kuuya kwechamupupuri mumba maiva nechitunha chikazodhubhura nepachisuvi nekuzochema kwechitunha nekukosora zvose zvishamiso. Semhuri, tinoda kubatsirwa tizive zvakaitika,” vanodaro VaChafuwa.

VaMbonia Karembera (74), vanova sekuru vemushakabvu, vanoti kubva vachikura havana kumboona mashura akadai sezvakaitika panhamo yemuzukuru wavo zvisinei nekuti vakatanga kushanda mumapurazi mugore ra1963.

“Ichi chishamiso mumusha mangu, uyu mwana wemwanakomana wangu, ndinodawo kubatsirwa,” vanodaro Sekuru Karembera.

Mbuya Janet Phiri (61) vanoti kubva pekutanga, inyaya iri pachena kuti muzukuru wavo haana kufa rufu rwaMwari.

“Tinodawo kubatsirwa nevanogona munhu akauraya muzukuru wangu zvimudzokere apindewo muvhu. Mupurazi muno manetsa, tine makuva evana maviri akambofukunurwa mitumbi ikashaika,” vanodaro Mbuya Phiri.

Sabhuku Mangwiro

Sabhuku Claudious Mangwiro (74) vanomirira nzvimbo iyi vanotsinhira kufa kwemwana uyu zvisina tsarukano.

“Takashevedzwa ndichinzi mwana afa achirohwa nezvishiri, mafiro emwana uyu aisava netsarukano asi izvo zvekuti mutumbi wakazochema nekukosora kwandiri hazvina kusvika. Panyaya yemafiro emwana uyu ndine hurongwa hwekunoisvitsa kwaMambo Nyamweda,” vanodaro Sabhuku Mangwiro.

Vanotsinhirawo nyaya yemakuva maviri evana akambofukunurwa mitumbi yose ikashaika.

VaTarwirei Mangwiro (50), vanova mubatsiri wasabhuku ava, vanoti mukomboni iyi munoitika nyaya dzinotyisa dzakawanda.

Mambo Nyamweda, VaNobert Mandaza, vanoti nyaya iyi yakanga isati yapinda munzeve dzavo.

Vanovimbisa kuti vachatuma makurokota avo kunzvimbo iyi kuti vanonzwa zvakaitika zvizere.

Share This:

Sponsored Links