DETEMBA TINZWE

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare.
Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

ISU VECHIDIKI TAKANDA MAPFUMO PASI
naPhillisy Dzotizei
Hama we!
Inzwa kuchema kwedu
Izwai kuchema kwenherera dzinoshushikana
Dai misodzi yaichera
Isu tichiri kutemwa dzinobuda ropa
Tingadai tiina naZambezi vaviri pamatama
Takandiswa mapfumo pasi
Naizvo zvikara zvisina ganda kumeso.
Nhai iwe chikara chinonzi munhu
Haunyari wakaita sei?
Uri Mhuka yerudzi rwupi?
Nhasi wabereka, mangwana waparadza
Kuparadza werudzi rwako chaiye
Kuparadza hako isu vana svosve
Vasina chavanoziva
Vakadzi nevarume vakuru
Kutopfigira nyadzi kuseri kwegonhi.
Unoona zihamburamakaka rerume
Zino panze kuzhinyurira kasikana, kapwere zvako
Kutora mwanasikana wako chaiye
Kumuita mudzimai zviri pachena
Kusasvoda zvakunoita.
Mukadzi akaumbwa zvakanaka
Unoona onyengetedza kakomana, kapwere zvako
Kubata chibharo mwanakomana weropa rako chaiye
Kumuita murume zviri pachena
Kana shato haidaro
Phillisy Dzotizei ari muForm 2 paSeke 5 High School, kuChutungwiza.

MAONERO:
Musoro wenhetembo yako wakanaka nekuti unoita kuti vanoverenga vade kuziva chikonzero chaita kuti vechidiki vakande mapfumo pasi. Asi nyangwe zvakadaro, musoro uyu wanyanya kurebesa uye unogona kubvisa shungu dzevaverengi.
Nhetembo yako yakanaka, asi yanga ichidawo kurongwa nekunyatsosungwa kuti isimbe. Watanga nekuti “inzwa kuchema kwedu,” asi mumutsara unotevera wabva wati, “Inzwai kuchema kwenherera.” Zviri kuita sekuti uri kutaura nemapoka evanhu akasiyana-siyana.
Ndafarira fananidzo yako yekuti misodzi narwizi Zambezi. Asi panzvimbo yekuti ubva wangoti dyoo pamwoyo penyaya yako, dambudziko rako nderekutenderera uchiwanza mashoko. Panzvimbo yekuti uti, “Isu tichiri kutemwa dzinobuda ropa” rinova dimikira rashandiswa kakawandisa ungadai wangoti “Isu nhiyo/man’yana” kana rimwewo izwi rinoburitsa hudiki. Zvadaro, nekuda kwekuti hausi kushandisa zvimiso, nhetembo yako inobva yafanana nemota isina mabhureki. Haifeme, haishamisike, uye haizorore.
Asi mundima yechipiri wambozama. Uri kuti iwe munhu chikara uye imhuka, uye kune rimwe divi uri kuti vana vadiki vakafanana nemasvosve nekuti havana chavanoziva. Asi ini ndinoti uchenjere kuti kana uchinyora nhetembo usangofunga kuti zvinhu zvauri kuona ndizvozvo. Semuenzaniso, iwe uri kuti vana havana chavanoziva, asi nyaya iripo chaiyo ndeyekuti kune vamwe vana vasisanzwe zvekuti ndivo vari kutoita basa rekutanga varume nevakadzi vakuru nekuti vanenge vachida mari nemucheno. Uri shasha pakushandisa mutauro wakapfuma. Ndafadzwa zvikuru nechirevo chekuti, “Vakadzi nevarume vakuru kutopfigira nyadzi kuseri kwegonhi.” Chirevo ichi chinonyatsojekesa kushaya nyadzi kwaita vanhu vakuru.
Asi ndiri kuda kuti udzokere pakunotarisa zvandataura kuti pwere dzauri kutaura kuti dzinoitwa mudzimai zviri pachena idzi dzinenge dzichiti dziri kuitei nemadhara iwayo? Uchenjererewo kuti kana uchinyora nhetembo nezwi remunhu ari kuchema nezvakaipa zvaari kuona, usazopota uchiita sekuti wave kutsvinyira vauri kunyora nezvavo. Siya vanhu vazvionere hupenzi uhwu. Iwe chako kungohuyanika pachena chete.
Chimwe chandisina kugutsikana nacho ndechekuti uri kupota uchiita seuri kukanganwa kuti uri kunyora nhetembo, saka unopedzisira wave kuita sekuti uri kunyora rondedzero. Ko sei wazoti “Kana shato haidaro?” Sei washandisa shato apa nekuti ini handisi kuna hukama hwayo nezvauri kutaura mundima yekupedzisira.
Waita zvako nenhetembo yako, asi pota uchiverengawo nhetembo dzakanyorwa nevamwe vakaita sanaChirikure Chirikure, Memory Chirere, Chiedza Musengezi, Tinashe Muchuri nevamwe.
[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>