DETEMBA TINZWE

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUDHARA IMIMIKA AYAS! naShingirai Manyengavana

Simboti munondigonera

Kana neni ndinozviziva zvanguKuti ndinokugonerai kunze nemukati

Muchidimbu tese tinogonerana

Hapana anoda nemumwe zvakare

Ndokuti baba nemwana wavo.

 

Baba vangu ndimi

Ndine hunhu nekuita kwenyu

Nekuti ndiri mwana wenyu

Dai musipo ini ndisipo

Kuvapo kwenyu kuvapo kwedu nedzinza

Inga kuita kwaMwari kunoshamisa

Akatibatanidza tose semhuri.

 

Dhedhi ndimi wemba musoro

Muchitsigirwa zvenyu naamai

Chibataura nemukaka ndokudya kwenyu

PaStar FM Radio nzeve hamubvise

Makadzinamira muchinzwa Country Music

Muri mukoma nemunin’ina nebadza

Hamuzengurire kubata basa, munoshanda sejuru.

 

“Kushanda nesimba hakuurayi . . .”

Zuva nezuva munogarotiudza

“Dzidzo ndiyo nhaka yehupenyu . . .”

Mashoko enyu ayo takachengetedza

Munogarondisimbisa negwinyiso siku nesikati.

 

Asi mudhara imimika ayas!

Munotipedza mate mukanwa imi

Nenyambo dzenyu dzamunotikuvadza nadzo

Mwari ngavazongokuwedzerai mamwe makore

Ndinokudai baba, tinokudai Dhedhi

Munodiwa nesu Simboti.

 

. Shingirai Manyengavana ari muForm 6 paAlpha Institute, kwaMutare.

 

MAONERO:

Shingirai Manyengavana handichaziva kuti ndomupei nekuda kwekugona kudetemba! Chandinonyanya kufarira mumamyorero ake kushandisa mutauro nenzira yakasununguka. Vashoma vana vanonyora nhetembo vanopindwa nepfungwa yekuti vapidigure mutauro sezvinoita Manyengavana. Kungoverenga musoro wenhetembo yake chete, ndabva ndaseka ndikati “Manyengavana uye atanga.”

Mukomana uyu haatye kupinda mumatauriro ariko mazuva ano. Zvanzi, “Mudhara imimika, ayas!” Iko kungodaro chete ikoko kunobva kwataura zvakawanda. Hatiwanzotaura tichiti “mudhara” kana tave kutaura nababa vedu, uye kuti, “ayas!” kunotaura kupererwa pamwe chete nekunakidzwa.

Zvino kana pakazonzi, “imimika” tinenge tave kunzwa kuti kanhetembo aka kanotaura nyaya yakakosha, asi kachishandisa mutauro unenge usina basa.

Kuti musarasike nezvemudhara wake, nyanduri abva atanga nekutaura navo nemutupo, “Simboti munondigonera . . .” Saka unobva waona kuti haasi kungotaura zvekamwe kamudhara kanoita zvinhu zvisingaite, asi zvemunhu waanoremekedza, waari kushevedza nemutupo.

Pasina zvekutamba achirerutsa nekudzamisa mutauro, nyanduri ari kuburitsa mabvumira, mutinhimira nemahon’era anonwisa mvura. Izvi zvinoratidza hunyanzvi hwake hwekuruka nhetembo. Ona chikamu ichi:

Baba vangu ndimi?

Ndine hunhu nekuita kwenyu?

Nekuti ndiri mwana wenyu?

Dai musipo ini ndisipo?

Kuvapo kwenyu kuvapo kwedu nedzinza

Inga kuita kwaMwari kunoshamisa

Akatibatanidza tose semhuri.

Abva pakuti mudhara, nekuzombovati simboti, baba vangu . . . tinonzwa ave kupinda muchiRungu achiti “Dhedhi.” Apa ave kuburitsa nekusimbisa shoko raambotaura kwekutanga paati:

Hapana anoda nemumwe zvakare

Ndokuti baba nemwana wavo.

Zviri pachena kuti baba nemwana wavo vane hukama hwakakomba, uye izvi zvinobuda mumasarudziro nemashandisiro ari kuita nyanduri mazwi ake. Chimwe chiri kubuda apa ndechekuti mwana uyu anonyatsoziva baba vake, zvavanofarira kuita nezvavanokoshesa. Baba ava vane dzidziso iri kupa mwana wavo gwara zvekuti anoti:

Mashoko enyu ayo takachengetedza

Munogarondisimbisa negwinyiso siku nesikati.

Pasina zvemashoko edzidziso, chimwe chinhu chiri kubuda ndechekuti baba ava vane ny’ambo. Vanoseka nevana vavo zvinova zvinoita kuti vave nehukama hwakanaka nevana vavo.

Handina zvizhinji zvekutaura, asi kungoti Manyengavana ndinomushuwira ramangwana rakanaka semunyori nekuti anogona.

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>