Kwayedza
MUDHARA IMIMIKA AYAS! naShingirai Manyengavana
Simboti munondigonera
Kana neni ndinozviziva zvanguKuti ndinokugonerai kunze nemukati
Muchidimbu tese tinogonerana
Hapana anoda nemumwe zvakare
Ndokuti baba nemwana wavo.
Baba vangu ndimi
Ndine hunhu nekuita kwenyu
Nekuti ndiri mwana wenyu
Dai musipo ini ndisipo
Kuvapo kwenyu kuvapo kwedu nedzinza
Inga kuita kwaMwari kunoshamisa
Akatibatanidza tose semhuri.
Dhedhi ndimi wemba musoro
Muchitsigirwa zvenyu naamai
Chibataura nemukaka ndokudya kwenyu
PaStar FM Radio nzeve hamubvise
Makadzinamira muchinzwa Country Music
Muri mukoma nemunin’ina nebadza
Hamuzengurire kubata basa, munoshanda sejuru.
“Kushanda nesimba hakuurayi . . .”
Zuva nezuva munogarotiudza
“Dzidzo ndiyo nhaka yehupenyu . . .”
Mashoko enyu ayo takachengetedza
Munogarondisimbisa negwinyiso siku nesikati.
Asi mudhara imimika ayas!
Munotipedza mate mukanwa imi
Nenyambo dzenyu dzamunotikuvadza nadzo
Mwari ngavazongokuwedzerai mamwe makore
Ndinokudai baba, tinokudai Dhedhi
Munodiwa nesu Simboti.
. Shingirai Manyengavana ari muForm 6 paAlpha Institute, kwaMutare.
MAONERO:
Shingirai Manyengavana handichaziva kuti ndomupei nekuda kwekugona kudetemba! Chandinonyanya kufarira mumamyorero ake kushandisa mutauro nenzira yakasununguka. Vashoma vana vanonyora nhetembo vanopindwa nepfungwa yekuti vapidigure mutauro sezvinoita Manyengavana. Kungoverenga musoro wenhetembo yake chete, ndabva ndaseka ndikati “Manyengavana uye atanga.”
Mukomana uyu haatye kupinda mumatauriro ariko mazuva ano. Zvanzi, “Mudhara imimika, ayas!” Iko kungodaro chete ikoko kunobva kwataura zvakawanda. Hatiwanzotaura tichiti “mudhara” kana tave kutaura nababa vedu, uye kuti, “ayas!” kunotaura kupererwa pamwe chete nekunakidzwa.
Zvino kana pakazonzi, “imimika” tinenge tave kunzwa kuti kanhetembo aka kanotaura nyaya yakakosha, asi kachishandisa mutauro unenge usina basa.
Kuti musarasike nezvemudhara wake, nyanduri abva atanga nekutaura navo nemutupo, “Simboti munondigonera . . .” Saka unobva waona kuti haasi kungotaura zvekamwe kamudhara kanoita zvinhu zvisingaite, asi zvemunhu waanoremekedza, waari kushevedza nemutupo.
Pasina zvekutamba achirerutsa nekudzamisa mutauro, nyanduri ari kuburitsa mabvumira, mutinhimira nemahon’era anonwisa mvura. Izvi zvinoratidza hunyanzvi hwake hwekuruka nhetembo. Ona chikamu ichi:
Baba vangu ndimi?
Ndine hunhu nekuita kwenyu?
Nekuti ndiri mwana wenyu?
Dai musipo ini ndisipo?
Kuvapo kwenyu kuvapo kwedu nedzinza
Inga kuita kwaMwari kunoshamisa
Akatibatanidza tose semhuri.
Abva pakuti mudhara, nekuzombovati simboti, baba vangu . . . tinonzwa ave kupinda muchiRungu achiti “Dhedhi.” Apa ave kuburitsa nekusimbisa shoko raambotaura kwekutanga paati:
Hapana anoda nemumwe zvakare
Ndokuti baba nemwana wavo.
Zviri pachena kuti baba nemwana wavo vane hukama hwakakomba, uye izvi zvinobuda mumasarudziro nemashandisiro ari kuita nyanduri mazwi ake. Chimwe chiri kubuda apa ndechekuti mwana uyu anonyatsoziva baba vake, zvavanofarira kuita nezvavanokoshesa. Baba ava vane dzidziso iri kupa mwana wavo gwara zvekuti anoti:
Mashoko enyu ayo takachengetedza
Munogarondisimbisa negwinyiso siku nesikati.
Pasina zvemashoko edzidziso, chimwe chinhu chiri kubuda ndechekuti baba ava vane ny’ambo. Vanoseka nevana vavo zvinova zvinoita kuti vave nehukama hwakanaka nevana vavo.
Handina zvizhinji zvekutaura, asi kungoti Manyengavana ndinomushuwira ramangwana rakanaka semunyori nekuti anogona.