DETEMBA TINZWE: HERO GUDZA MWANANGU

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

naPaul Vagere

Mukukura nemukurarama,

Ndaifara nekufunga zvakadzama.

Dzaive shungu dzemoyo wangu,

Kuti dai ndavawo nejaya rangu.

Apa ndaisareva kusada vanasikana

Asi ndaishuvira kuenda mberi kweredzinza zita.

Nhasi zvawavapo Anesu mukorori wangu,

Chindipa nzeve ndikubaire zanhi.

 

Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

Iva muenzaniso werugare kunaamai vako mwanangu Nekuti ini ndisisipo ndiwe wavachaudzawo nhuna dzavo.

Bvisa zvitanda munzeve kana vachitaura,

Uzive kuti ndivo denhe reruzivo netariro.

Panotaurwa zvekutuka amai iwe nyenyeredza.

Ingozi nebotso kurova amai.

 

Fara zvako uchiziva kuti waamai mukaka hauna kunyimwa, Asi kurumurwa kwakagara kuriko.

Rodza njere zuva ripi neripi zvaro

Kuitira kuti paya pauchada kudzishandisa dzisava dzakagomara.

Famba nemwenje kunyange zuva rakacheka nyika, Kuitira parichadoka wakayeverwa.

 

Muzvirongwa nezviroto zvako tungamidza Musikavanhu.

Usarudze neumhare shamwari dzinoda Mwari kwete mari.

Mari yakanaka asi inogona kuva mudzi wazvo zvese zvitema.

 

Ndinoti dai Mwari vatipa upenyu,

Tivepo tione pachagumira dzavakakupa njere.

Ini pangu ndasakura ndazunza.

Zvava kwauri kufuga kana kuwarira.

Urangarire kuti zano ndoga akazosiya jira kumasese.

. Paul Vagere anodzidziswa Shona naVaGwanzura muFomu 4G paSt Mary’s High School.

 MAONERO:

Hero gudza mwanangu inhetembo yekuraya mwanakomana kuri kuitwa nababa. Kana ndichitarisa zvinotarisirwa munhetembo yekuraya – zvakaita sezvirevo zvetsumo nemadimikira, nyanduri wedu Paul Vagere azvishandisa zvakanaka chaizvo. Nhetembo yake yakagukuchira ruzivo nehungwaru muhapwa dzayo, zvekuti nyangwe ari mwana ari fomu yechina, Paul anoratidza kuti akadzidziswa tsika nehunhu zvakakosha pakuumba munhu anonzi munhu.

Musoro wenhetembo yake wanzi, “Hero gudza mwanangu.” Ichi chirevo chadimurwa kubva pane chinoti “Zvave kwauri kufuka kana kuwarira.”

Kazhinji mashoko aya anoshandiswa kana munhu achinge adzidziswa, ayambirwa kana kubatsirwa nemazano. Wacho anenge amupa mazano haasi anozoita sarudzo, asi anga achiyambirwa ndiye anenge ave nebasa. Saka munhetembo ino, nyanduri uyo ari kutaura nezwi rababa, ataura shungu dzake nezvaanotarisira muhupenyu hwemwana wake, saka ave kuti ini ndapedza pangu.

Tikatarisa zvirevo zviri kushandiswa munhetembo iyi zvakaita setsumo nemadimikira, zviri kuratidza kuti mubereki ari kutaura ave kushandisawo ruzivo rwezvaakaona nekunzwawo kubva kuvakuru vake. Saka kudzokera kunotora hungwaru hwevakuru kubva kuchinyakare kuri kuratidza kukosha kwemashoko avo.

Uyewo, kana vachiti, “Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma,” vari kutaura kukosha kwekuteerera nekuchengeta mashoko kunofanira kuitwa nemwana wavo. Iyi ndiyo pfungwa imwe chete yavashandisa pavati, “Bvisa zvitanda munzeve.”

Tinoonawo zvakare kuti nyanduri ari kuda kuti dzidziso inyatsogara mumwanakomana wake zvekuti anodzokera kunotaura zvinhu zvaiyereswa kare, zvakanga zvisingaitwe zvakafanana nekurova amai. Apa abva anyatsodudza kuti: “Ingozi nebotso kurova amai.”

Chaari kutaura chinhu chinoda kubatisiswa nevechidiki mazuva ano vasisina matyira. Ari kuti kana ukarova amai, unotanda botso kana kuita rombe. Izvi haana kuda kuti zviperere pamaonero edu etsika nemagariro asi abva apindawo muBhaibheri kuti dzidziso yake ibate mativi ese. Apa ndipo paati, “Muzvirongwa nezviroto zvako tungamidza Musikavanhu.”

Pane mitsara miviri yandafarira zvikuru ine ruomba rwemazano nemutauro. Apa ndipo panzi naPaul:

Famba nemwenje kunyange zuva rakacheka nyika,

Kuitira parichadoka wakayeverwa.

Aya haasi mashoko matete, asi anotoda kuti tiomberere nyanduri nekuda kwehushasha.

Asi tichiri ipapo, panyaya yekushandisa mutauro zvinonwisa mvura, pane pasina kundigutsa panzi:

Fara zvako uchiziva kuti waamai mukaka hauna kunyimwa,

Asi kurumurwa kwakagara kuriko.

Apa ndashaya kuti mitsara miviri iyi iri kubatsira sei nhetembo yedu, nekuti kwandiri zviri kuita sekuti ipapa nyanduri angotorawo zvirevo zvakanunira kunge dohwe akangozviisawo kuti atiratidze kuti anonakidzwa nemutauro, asi mitsara iyoyi haisi kubatsira nhetembo.

Zvisinei, nhetembo iyi yabudirira kwazvo pachinangwa chayo chekuraya. Ichokwadi kana munhu anoteerera akaipa nguva, anowanawo zvinomubatsira kuti asafambe achitsauka kubva mugwara rekuva munhu ane hunhu.

 . [email protected]

Share This:

Sponsored Links