DETEMBA TINZWE: KUKOSHA KWECHIKOROBHO WARASA MVURA

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naTinomuda Jonga

Mwanangu ita uchiteerera

Usaite sedzakambo tamba nepwere,

Mwanangu pangu ndakashanda kare.

 

Inzwa wotomubatisisa anotumbura

munzwa, vakuru vakati ndamba

kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

Mwanangu zvaunoona kukuraira

kudai kukuda, ndodzokorora

zvakare regai vakuru vakati

woto mubatisisa anotumbura munzwa.

 

Uchazoyeuka bako wanaiwa ipapo uchanditsvaga

asi uchandishaiwa. Muromo wawakuru hauwiri pasi.

 

Kukuraira kudai kuda kugadzira rako ramangwana rive rakazonaka nekuti mwangwana

haasi nhasi.

Mwanangu yambiro yakanaka.

 

Tinomuda Jonga ari muGrade 7 paSt Peter Guzha Primary School, kuMarondera west.

MAONERO:

Apa paita zvemunyori ane mutsindo unenge wenzou! Kana kuri iko kunyora kwawakaita bvunzo dzeChiShona pagiredhi 7, ndinoda kuvimba kuti 1 iri kuuya. Nhetembo yako yakadzama kudarika zera rako, uyewo inoratidza kushandisa mutauro kune hunyanzvi.

Pamusoro pazvo, nhetembo iyi iri kuratidza kuti unonyatsofungisisa pamusoro pezvauri kuda kutaura. Iyi inhetembo izere mashoko ekuvaka, uye ane huchenjeri.

Musoro wenhetembo yako washandisa chirevo chiri kunakidza vanhu vazhinji mazuva ano.

Asika, iwe hauna kuzochipedzisa kuti chireve chinhu. Uyewo hauna kuzochisunganidza nenhetembo yako kuti zvinyatsotaurirana zvakajeka.

Mundima yekutanga mubereki ari kuti, “Mwanangu pangu ndakashanda kare.” Asi hazvina kujeka kuti chii chavari kuti pavo vakashanda kare. Kana mwana uyu achiri kuda kurairwa, havangati vakashanda pavo, nekuti kurairwa kwemwana ibasa rinoramba richiitwa kwehupenyu hwose.

Mundima yechipiri maita kutamba nemazwi kwakachenjera kwazvo. Zvanzi, “Inzwa wotomubatisisa, anotumbura munzwa.”

Ndafarira mabvumira nemutinhimira uri kubuda muna inzwa namunzwa. Ipapa pari kubuda rayiro yakadzama inoreva kuti kuteerera kunobatsira kuti ufambe zvakanaka nekubudirira muhupenyu. Uku ndiko kugona kunyora nhetembo nekutamba nemazwi.

Asi kazhinji patinoti vakuru vakati, kana kuti vanoti, tinenge tave kudzokera kutsumo nemadimikira nehumwe huchenjeri hwemashoko. Zvino handizive kuti chirevo chipi chauri kushandisa pauri kuti:

Zvakare regai vakuru vakati

Woto mubatisisa anotumbura munzwa.

Uye, izwi rekuti “woto” harishande kana kumira roga. Dai warishandisa sezvawamboita pawati, “Inzwa wotomubatisisa…”

Ndinoda kuti ucherechedze mashandisirwo emavara anoti /v/ na/w/. Kana uchinyora nechiManyika, zvakanaka kuti uti “Wana wari kufamba.” Asi kana wati, “Muromo wawakuru hauwiri pasi,” muchiShona, unonzi watadza pawashandisa “wawakuru” nekuti waifanira kuti “wavakuru.” Tiri ipapo, dimikira iri rinoti “Miromo yevakuru haiwire pasi,” kwete “muromo.”

Ndinofunga kuti unoda kucherechedza marongero aunoita mitsara yako kuti mamwe mazwi arege kudimurirwa panzira, kana kunobatanidzwa nemimwe mitsara, asi achitadzisa nhetembo yako kuti iverengeke nekuyerera zvakanaka.

Batsirwa nevadzidzisi kuti uzive pekubatanidza nekupatsanura mazwi. Sepawati: Usaite sedzakambo tamba nepwere. Izwi rekuti sedzakambotamba rinonyorwa riri rimwe chete kana kuti rakabatana sezvandaita apa.

Mushandisiro wawaita tsumo nemadimikira nekutamba nemazwi kwandifadza. Ramba uchinyora nekuti une chipo, kana tichitarisa zera rako.

 [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>