DETEMBA TINZWE: KUKOSHA KWEDU

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

 naJanet Gondo

“Regai dzive shiri, haana muto mazai”

Vakareva wani vakuru.

Mazano marayiranwa, chako wega mukonde wesadza.

Asi mune dzenyu nzeve,

Zvimiti ndo-ndo-ndo

Nyara!

 

Zvamurimi vedu vakuru wani.

Tinotarisiraka kunzwa kubva kwamuri,

Kumhunga kwamakabva kusina ipwa.

Ko zvamunenge ndimi mototipinza muna taisireva?

Kuita huku yazvidyira ayo mazai.

Nyarai!

 

Edu maziso takamboati nde-e.

Miromo tikati mwi-i,

Tichiti hatipikise nekuti muri vakuru.

Tichirimbinyuka ngoma isingatinakidze.

Asika toti ZVAKWANA!

Pepukai muone kukosha kwedu.

 

Chokwadi kundipa here kuhari yofanzirofa,

Inopeta angu Makore katatu?

Nekuda kwekatswanda kemhunga kamapihwa.

Kushandisawo mhandara isina chayakapara,

Kukununurai mupfumvu yamapinda.

Ndiko here kukosha kwedu vanasikana?

 

◆ Janet Gondo ari muForm 4 paSeke 1 High School, kuChitungwiza.

 

 

MAONERO:

Chandanyanya kufarira munhetembo iyi kunongedza hunhu hwevakuru hwakatsveyama huri kukanganisa vana vadiki.

Vanhu vakuru vane basa rekuchengetedza vana, uye vana vanokura vachiudzwawo kuti mwana kwaye ndiye anoterera vabereki nevanhu vakuru.

Asi pano paita dambudziko rekuti vana vave kuona kuti vanhu vakuru vaye vave nedambudziko nekuti ruzhowa ndirwo rwave kudya zvirimwa zvarwuri kufanirwa kuchengetedza.

Kunaka kwenhetembo iyi, kana kuti hunyanzvi hwanyanduri huru kubuda mukuti iye aona zvakakodzera kushandisa zvirevo neruzivo rwevakuru kuti ataure nhunha dzake.

Tsumo dzinomirira huchenjeri, kudzidzisa, kuraya, kuranga, kutsiura, kudzora nekuvaka hunhu. Kazhinji dzinoshandiswa nevanhu vakuru, ivo vachitaurawo kuti ndizvo zvavakadzidziswa nevakuru vavowo.

Saka tsumo idzidziso yemakore, inhaka. Asi kuti nyaya yake isimbe, Janet adzokera kutsumo kuti dzimubatsirewo kutsiura nekuratidza vakuru kuti varasika pakukudza nekubatsira vana.

Panzvimbo yekuti vakuru vati kuvadiki muri kuisa zvimiti munzeve, Janet ari kuti vakuru ndivo vasisaterere. Ndima yaJanet yekutanga yakaguta nemutauro wakapfuma – tsumo, madimikira nenyaudzosingwi.

Anopfuurira nehunyanzvi uhwu mundima yake yechipiri.

Saka tingati ari kushandisa shamhu yevakuru kuti arove nayo vanhu vakuru varasika pahunhu. Saka ndima dzake mbiri dziri kupera nekushevedzera kuti “Nyarai!” zvinova zvinosimbisa pfungwa yekuti pane zvisina kumira zvakanaka zviri kufanira kugadziriswa.

Mundima yechitatu mashandiswa nyaudzosingwi zvemandorokwati panzi “nde-e, mwi-i, tichirimbinyuka”. Izvi zvozvinonyatsoburitsa pfungwa dzanyanduri zvakajeka.

Asi paratidzwa kugona ndepashandiswa mavara makuru kunyora panoti ZVAKWANA.

Izvi zvaratidza kuti izwi iri rakakosha, uye riri kutaurwa nemunhu aneta nehunhu hwevakuru.

Ndima yekupedzisira inopinda mukodzero dzevanasikana kana takatarisana nenyaya yekuzvarira. Apa mwanasikana ari kuda kuti vabereki vatarise kuti chakakosha chii kupihwa tswanda yezviyo nekuendesa mwana wavo kuti anoitwa mukadzi iye achiri mwana mudiki.

Nedzimwe nguva mwana uyu ari kuti kuvabereki musashandise vana kupedza matambudziko amunogona kuzvigadzirisira dai muchishanda nesimba.

Janet wagona kwazvo, uye ramba uchinyora udzidzise nyika kuipa kwetsika dzinokanganisa raramo yevana.

 

[email protected]

Share This:

Sponsored Links