DETEMBA TINZWE: Kushata kwedoro

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

naAshley Makanga
Ini doro munhu wese anondifarira.
Upi neupi zvake
Munhu mutema kana murungu
Ndudzi nendudzi dzevanhu
Hapana asingafarire ini, Doro

Asiwo zivai wozve kuti,
Ini doro ndiri mharadzi
Ndinouyisa nzara mukati, mevanhu.
Vanhu vese vanondimhanyira,
Ini doro
Madzibaba, madzimai nemadzimambo
Hapana asingauyi kwandiri
Mutotadza kutengera mhujri
Zvokupfeka nezvokudya.
Pamusana pangu

Vanhu vakanditi dzvutu
Vanorwara vanotukana, nekupondana
Zvese izvi zvinokonzerwa
Neni doro

Vana vevanhu vanoonda kuita, mapepa
Kana akamira ungati, ipuranga rakamira zvaro
Asi ini doro ndinenge ndimirewo

  • Ashley Makanga ari muForm 1 paZengeza 4 High School, kuChitungwiza.

Maonero:
Nhetembo yako ine musoro unoti, “ Kushata kwedoro” zvinobva zvaita kuti tigadzirire kunzwa kushata kwaro.

Asi iwe ndipo paunobva watanga nekuti, “Ini doro munhu wese anondida.” Unopusisa vaverengi nekuti kana chinhu chiri chinodiwa nemunhu wese, chinofanirwa kunge chakanaka.

Asi tichiri ipapo wabva waita murevi wenhema, iwe uchifanirwa kudzidzisa nyika sanyanduri. Haasi munhu wese anoda doro. Haasi munhu wese anonwa. Kana ukati munhu wese uri kutaura nevana vadiki, nemapositori nevanorwara. Uchenjere kunyora zvinhu zvakadai uchiita sekuti zvawataura ichokwadi chinobata munhu wese, kuti zvinhu zvese zvakafanana. Ndiyo inonzi pachiRungu “ generalization”.

Washandisa chidavado chepfekedzahunhu, saka tiri kunzwa doro richitaura nesu.

Asi doro riri kuti, “Ini doro ndiri mharadzi, ndinouyisa nzara mukati mevanhu.” Ichokwadi here kuti doro imharadzi? Kune vanhu vanonwa doro zvine mwero, vachitandara uye vasingaite mhirizhonga.

Vanhu ivavo vanokurambira kuti doro imharadzi.

Uye kana wati doro imharadzi, chitiratidza kuti imharadzi chirudzii.

Doro rinouyisa nzara mukati mevanhu chirudzii? Nzara inokonzerwa nezvimwe zvinhu zvakawanda, uye Hosia Chipanga akaimba akati “ Doro rakanaka nekuti haridhake asinganwe.”

Nzara inouya kana vanhu vaine husimbe, kana mvura isina kunaya, pamwe chete nezvimwewo zvikonzero.

Yeuka kuti kune dzimwe mhuri dziri kuraramiswa nedoro. Kune makambani anobika doro achiwanisa vanhu mabasa.

Kumamisha kune vabereki vari kupinda vana vavo chikoro nemari dzekutengesa doro rendari.

Vamwe vanoita nhimbe kana jakwara apo panonwiwa doro vanhu vachiita mushandirapamwe.

Saka pakadai apa hatingangoti doro imharadzi.

Pazera rako ndinoti waedza chose, uye ndinoda kuti ukoshese kudzidza.

Saka chandiri kukudzidzisa ndechekuti kana wafunga kunyora nezvematambudziko anokonzerwa nedoro, chirega kuita sekuti dambudziko rekudhakwa zvekusaziva zvekuita rinobata munhu wese. Iwe dai wanangana nekunyora zvinoitika kana kuti zvinoitwa nemunhu ane marambadoro.

Ndinoda kuti utsvage uye ugoverenga nenhetembo inogona kunge iri mubhuku renhetembo rinonzi Gwenyambira kana kuti Mutinhimira wenhetembo inonzi, “Chiziva kuti zvino wadhakwa.” Ine mimwe mitsara inoti:

Kana ukaona wotsika matama enzira,

Woona zvino ambhuya venge muramu

Wotuka nechuru chose . . .

Chiziva zvino kuti wadhakwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>