Kwayedza
Charmaine Micho
Mvura, mvura, mvura
Ini ndinonzi mvura
Ini ndakakosha pautano hwenyu
Zvirimwa zvenyu zvese zvinoda
Mvura kuti zvikure uye nekumera
Zvakanaka.
Kumabasa, kuzvikoro, kudzimba
Nekuzvipatara munoda mvura.
Kana ini mvura ndisipo hamukwanisi kurarama
Ini mvura ndinopedza nyota yenyu yese uye ndini
Ndinokuraramisai.
Ini mvura ndinowedzera ropa
Mumuviri menyu mese. Pese pese
Pamunoenda munondida ini mvura
Ndinovanikwa pese mumatsime,
Kunzizi, kumigodi, kuzvibhorani,
Kumagungwa nekuzvitubu.
Mvura, mvura, mvura.
Munondida nguva dzose
Ndinokosha muhupepenyu hwevanhu
Vose pasi pose. Ini ndinonzi mvura,
Ndakasikwa naMwari kuti ndibatsire mose.
Charmaine Micho ari muGrade 7 Yellow paNorth Park Primary School, muHarare.
MAONERO:
Ndinoita manyukunyuku zvikuru kana ndichiona vana vadiki saCharmaine vachizvipira kunyora nhetembo senzira yekuratidza matarenda mururimi rwaamai. Wandigonera mwana iwe! Ndinokurudzira kuti kana vana muchinyora nhetembo pamusoro pezviwanikwa zvakaita semvura, miti, ivhu nezvimwe, edzai kuti musatange mutangiro wandave kutogara ndaziva kuti munoita. Vanonyora pamusoro peivhu vanongotanga nekuti: ivhu, ivhu, ivhu. Vanonyora pamusoro pemiti voitawo zvimwe chete; miti, miti, miti.
Kana uchinyora pamusoro pezviwanikwa, edzawo kufunga mamwe matangiro asina kumboitwa nevamwe. Ikoko ndiko kunyora kunoratidza kuti hauna kuvakirwa zumbu sehuku yebroiler, asi wakasununguka sehuku yekumusha inotandanisa hwiza, kubata makonye nekutsvara muvhu.
Ini dai ndirini iwe ndashandisa nyaudzosingwi sekudai:
Waa-waa waa-waa, ndini mvura,
Kana ndoturuka handiwawate,
Asi ndinogezesa nyika sendiro yamambo.
Ndinorapa nyota yevhu nembesa,
Ini mvura ndinorapa zvese kwese kwese.
Kana ukazvitarisa, handina kushandisa manyorero andaramba ekuti mvura, mvura, mvura. Asi ndashandisa nyaudzosingwi yemvura iri kunaya, asi tobva tatonzwa mvura yacho ichitaura nezwi rayo uye ichitsanangura runyararo nemufaro wainopa nemabasa ayo.
Ndizvo zvinofanira kuita nhetembo, kutamba nemazwi pamwe chete nekushandisa zvirungamutauro.
Kana tikaverenga ndima yako yechipiri, haisi kutaura zvinhu zvitsva. Uri kudzokorora pfungwa imwe chete yekuraramisa kunoita mvura uchiti:
Kana ini mvura ndisipo hamukwanisi kurarama
Ini mvura ndinopedza nyota yenyu yese uye ndini Ndinokuraramisai.
Pane nguva dzinoshanda dzokororo munhetembo, nechinangwa chekusimbisa pfungwa kana kuratidza kukosha kwechimwe chinhu. Asi pano kudzokorora kutaura zvekurarama kunoratidza kutenderera kwemazano ako. Nhetembo ngaifambe iende mberi. Ndafarira kukosha kwemutsara wako wawati mvura inowedzera ropa mumuviri. Izvi zvaratidza kuti wakaita tsvakurudzo, asi handizive kuti wanga uchirevei pawati pese pese pamunoenda munondida ini mvura. Hapasi pese pese panodiwa mvura – uchenjere kusiya zvimwe zvinhu zvisina kujeka. Ngwarirawo zviperengo “ndinowanikwa” kwete “ndinovanikwa” uyewo migodhi kwete migodi. Uyewo gungwa muhuzhinji rinozi makungwa, kwete magungwa.
Asi nyangwe zvakadaro, une shungu dzakanaka uye unofanira kuramba uchinyora nekuverenga mabhuku nekuti ndimi vanyori vemangwana.