DETEMBA TINZWE: Tsvagai mabasa

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naPeter Tawira

Imi vanangu zvamapedza chikoro kudai,

Ini ndabva ndasungunguka.

Asi imi mochisimba kutsvaga mabasa.

Inga vakuru vanoti apunyira haashaye misodzi

Imi musatsvage pakambani imwe.

Pangu ndakapedza kare,

Zvinodhura makapinda wani zvikoro,

Mhiri kwemakungwa makasvika.

Saka chanetsa chii pakutsvaga basa?

Ringangouya here makarara?

Kwete hariurayi asi motoritsvaka.

Chenyu kutsvaga twusikana mumugwagwa,

Bodo kutsvaga mabasa.

Zvamunongoti teshe kugara,

Musingamhanye-mhanye kutsvaga mabasa,

Moti ini baba venyu ndichazvikwanisa here?

Zvotoda imi muchirikutemwa dzinobva ropa.

Saka munoreva here kuti hamukwanisi.

Tsvagai zviripo nyangwe rokutsvaira zvaro.

Inga nyangwe mugwaro zvakanyorwa wani,

Kuti murume uchadya zverako ziya.

Heya huya uone zviri pano!

Mazana asingade kutirimuka.

Asi mashoko angu ndeekuti,

Tsvagai mabasa vakomana.

  • Peter Tawira anodzidza muForm 4 West paCranborne Boys High School, muHarare.

MAONERO:

Waita zvako nenhetembo inokurudzira vana kuti vayaruke, vadzidze, uye kana vadzidza vatsvage mabasa. Kutsvaga mabasa kana vana vachinge vapedza kudzidza ndicho chinhu chinotarisirwa nevana pamwe nevabereki vavo. Tingati, ndicho chikonzero chinoendera vazhinji kuchikoro, kuti vagoshanda mabasa akanaka, ane mari zhinji.

Ndinoona waita chinhu chakanaka, kukurudzira nekutaurirana nevana kuti vasaite nungo dzekumuka vakarara, vachirega kutsvaga mabasa. Chimwewo chawatsiura munhetembo yako inyaya yekuti vana vatsvage mabasa pane kuti vaswere vachindundurudzana netwusikana mumaraini. Iyi nhetembo inokurudzira, kuraira, kuyambira nekutsiura.

Asi nyangwe nhetembo iyi iri kuburitsa shungu dzemubereki apedza kudzidzisa vana vake, kuti vana ava vatsvage mabasa, nhetembo iyi yanyanya kurerekera divi rimwe. Iri kungopa izwi rimwe chete remubereki, asi remwana asiri kuwana basa harinzwike.

Maonero emubereki uyu, maonero anogona kutanga gakava guru kwazvo nekuti nhetembo iyi haisi kutarisa mamiriro ezvinhu munyika. Vana vazhinji vadzidza, vave nemadhigirii, asi kusashanda kwavo hazvireve kuti havasi kuda kutsvaga basa, asi kuti mabasa ari kushaikwa.

Saka tisati tamboenda kure, kubva pamusoro wenhetembo, tinoona kuti nyanduri ari kukurudzira vanhu kuti vaite chinhu chakaoma kwazvo, asi asingatarise mamiriro ezvinhu munyika.

Ndanga ndichida kuti kana wawana nguva Peter, ugonyora imwe nhetembo asi ari mwana ari kupindura baba vake vamuti atsvage basa iro basa racho risiri kuwanikwa.

Ngaataure kuti ichokwadi here kuti ari kuswera akarara, kana kuti achindundurudzana nevasikana panzvimbo yekutsvaga basa.

Izvi zvingatibatsire kwazvo kuti tivewo nemamwe maonero, uye kuti nhetembo yako isvike kwaisiri kusvika kana iri sezvairi izvozvi. Nekuti ndicho chinhu chakaoma pakuve munyori, hongu une maonero ako, asiwo unoda kuti maonero iwayo ange achiratidza kuti watarisa mativi ese ukaenzanisa. Nekuti chasara kuti ubvunzwe nevamwe kuti, “Mabasa auri kuti titsvage aya, ari kupi?”

Chimwe edza kuti ushandise mutauro nezvidavado zvenhetembo – fananidzo, enzaniso, mutinhimira, mabvumira nezvimwewo zvinoita kuti nhetembo ipfume.

Ramba uchinyora nekuti uri mugwara, uchasvika.

Share This:

Sponsored Links