Kwayedza
naNaidence P. Mutini
Heinoi nyika yedu yechipikirwa,
Nyika inoerera uchi nemukaka.
Isu vadiki tinomhanyidzana kuenda kuzvikoro,
Vana maiwo ravorendiro vomhanyamhanya.
Chembere kumusha dzotekaira dzakananga kundari.
Hurudza dzofara dziri mumapindu,
Voshandisa zvavo ivhu ravo.
Uku kuri kuratidza kusununguka kweZimbabwe.
Angave mukomana kana musikana kodzero yedu yekuenda kuchikoro yakafanana.
Yakasununguka kani Zimbabwe.
Iwe hurudza buritsa uhurudza hwako.
Iwe mhizha ratidzazve tarenda rako.
Ini sanyanduri mukana ndakapihwa
Nebepanhau revanhu.
Naidence P. Mutini ari muGrade 4D paChaedza Primary School, kuChinhoyi.
MAONERO:
Ndiri kukuyemura zvikuru Naidence, nekuti pazera rako uye negwaro rauri wakwanisa kunyora nhetembo yakarongeka, inoverengeka zvinova zvinotadzwa nevamwe vana vari kusekondari chaiko.
Saka ndinotanga nekukuti makorokoto makuru, uye ramba uchinyora nekuti ndiwe mumwe wevanyori veZimbabwe vamangwana.
Nhetembo yako yandifungisa chimbo chaThomas Mapfumo chaakaimba mazuva atangowana rusununguko chinonzi Zimbabwe.
Chandifadza munhetembo yako kupembera kwauri kuita, uchidada nenyika yedu yawabva wati nyika “yechipikirwa”.
Ndizvozvo chaizvo nekuti Zimbabwe yakanzi ndiyo nyika yedu isu saka tinofanira kuida nekuishandira kuti huchi nemukaka zvirambe zvichiyerera.
Saka wandigonera pawataura kuti “vadiki tinomhanyidzana kuenda kuzvikoro.” Ndizvozvo chaizvo zvinoita kuti nyika ibudirire, vanhu vakadzidza.
Ndafarira kana nemaguta pamwe nerunyararo zvinobuda mukutekaira kwechembere dzakananga kundari.
Ndima yako yechipiri yaburitsa kufarira kushandisa ivhu kwehurudza.
Wabva wadzokazve kunyaya yedzidzo uchiti iwe kusununguka kweZimbabwe kunoburitswa nekodzero dzakafanana dzevanasikana nevanakomama pakuenda kuchikoro.
Asi ndima yekupedzisira ndiyo yabva yandifadza zvikuru nekuti wave kutsinhira rusununguko rweZimbabwe nekushandisa izwi rekuti, “kani”. Kureva kuti hazvina mubvunzo.
Wabva wapedzisa nekupembedza hurudza, mhizha, nyanduri nebepanhau revanhu. Ndiroka Kwayedza.
Mutsara wako wekupedzisira mundima yechipiri wakarebesa. Ungadai waita kuti utange mumwe mutsara mutsva mushure mezwi rekuti musikana.
Uyewo mazwi anoti ravorendiro nerekuti kurikuratidza anga achifanirwa kunyorwa asina kubata uchiti: ravo rendiro, kuri kuratidza.
Asi pasina izvozvi, wagona!