‘Dzivirirai imbwa kuchimbwamupengo’

09 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
‘Dzivirirai imbwa kuchimbwamupengo’ Bazi reVeterinary Services Department (VSD) pari zvino riri kuita chirongwa chekubaya imbwa majekiseni ekudzivirira chirwere chechimbwamupengo kudunhu reManicaland

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUBAYISA zvipfuyo majekiseni ekudzivirira zvirwere inzira yekusimudzira mararamiro azvo akanaka pamwe nekuchengetedza utano hweveruzhinji, rinodaro bazi reVeterinary Services Department (VSD).

VeVSD pari zvino vari kuita chirongwa chekubaya imbwa majekiseni ekudzivirira chirwere chechimbwamupengo kuManicaland.

Vanokurudzira vanhu vemudunhu iri kuti vabayise imbwa dzavo.

VSD chief health inspector, Dr Roy Dube, vanoti zvakakosha kubayisa zvipfuyo majekiseni ekudzivirira zvirwere nguva nenguva kuitira kuti zvisatapurirwe kuvanhu.

“Kubayiwa kwemajekiseni ezvipfuyo kwakakosha sezvo zvichisimudzira utano hwazvo uyewo nekudzivirira vanhu kuti vasabatwe nezvirwere zvinosanganisira chechimbwamupengo. Zvinosungirwa pamutemo kuti vanhu vabayise nhomba imbwa nekatsi dzavo.

“Kubaya nhomba kuzvipfuyo izvi kunotanga pamwedzi mitatu kusvika pakupera kwegore uye pari zvino tiri mushishi yekuita chirongwa ichi,” vanodaro Dr Dube.

Vanokurudzira vanhu kuti vaende kunorapwa nekukasika kana vachinge varumwa nembwa kuitira kudzivirira chimbwamupengo sezvo chichigona kuuraya.

Dr Dube vanosimbisisa kuti veruzhinji vanofanirwa kugara vakangwarira nyaya dzinofungidzirwa kuti dzine chekuita nechimbwamupengo uye kuti vamhan’are kuVSD pachine nguva.

Share This:

Sponsored Links