ECD ndiyo hwaro hwedzidzo

22 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
ECD ndiyo hwaro hwedzidzo Cde Torerayi Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NHENGO dzeParamende dzemunyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) dzinoti zvakakosha kuti dzidzo yedanho reEarly Childhood Development (ECD) itsigirwe zvakasimba sezvo iri iyo inopa vana hwaro hweremangwana.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nenhengo dzeParamende dzemuZimbabwe, Malawi, Eswatini, Lesotho, Zambia neMozambique muguta reHarare nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Torerayi Moyo vanomirira Gokwe-Chireya mudare reNational Assembly uye vari zvakare sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti dzidzo yemwana inofanira kusimbiswa kubva kumavambo.

“Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano maringe nemakuriro anoita vana inoratidza kuti mwana anotanga kugadzirwa gwara rake achiri mudumbu raamai vake kusvika pamakore masere okuberekwa kureva kuti paanenge ava muGrade 2.

“Kune vamwe vabereki vanofunga kuti dzidzo yeECD haina maturo asi ndiyo yakakoshesesa nekuti ndipo panoonekwa zvipo zviri muvana uye panotanga kukura kwenjere dzavo,” vanodaro.

Cde Moyo vanoti ibasa reHurumende kutsigira dzidzo yevana nekuona kuti hakuna anosiiwa kumashure.

“Dzidzo ikodzero yemunhu wose sezviri mubumbiro redu remutemo saka Hurumende nevamwe vatsigiri havasi kuzorora mukuona kuti munhu wose awana dzidzo isingadhure. Vana ndivo vanobata remangwana saka ngativagadzirirei kuti vazoramba vachienderera mberi nekusimudzira upfumi hwenyika panguva iyo tinenge tachembera.

Nhengo-dzeparamende-dzemuSADC-dzaivepo

“Dambudziko ratiri kuona nderekuti kutsigirwa kwehomwe yedzidzo yeECD kuchakaderera munyika dzichiri kusimukira zvinova zvinobva muongororo yakaitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank. Bhanga iri rinoti chikamu che43 percent chevana vari pasi pemakore mashanu (250 miriyoni) vane mikana yekukundikana kupinda muzvirongwa zvebudiriro nekuda kwekurasikirwa nedzidzo,” vanodaro Cde Moyo.

“Chirwere cheCovid-19 chakanganisa zvikuru dzidzo yeECD kudarika mimwe mipanda yedzidzo zvinova zvakamutsa nyaya dzekusaenzaniswa kwemikana. Dzidzo yeECD inoda rubatsiro rwemubereki, vachengeti vevana mudzimba kana muzvikoro uye varairidzi vane hunyanzvi hwekushanda nevana kuti vakwanise kuvapakurira fundo inoumba upenyu hwavo,” vanodaro.

Cde Moyo vanoti chisungo cheUnited Nations Convention on the Rights of the Child (UNCRC) neAfrican Charter on the Welfare of the Child and the Convention on the Rights of Persons with Disabilities pamwe nebumbiro remutemo wenyika zvinopa mikana yekuti dzidzo yevana inge ichitsigirwa.

“Dzidzo inogona kutsigirwa nehomwe yenyika – bhajeti, mari yeveruzhinji, homwe inobva kumasangano akazvimiririra, makambani anobhadharira vana vevashandi, mitero inobhadharwa neveruzhinji, mavhocha, rutsigiro rwevabereki nezvimwe,” vanodaro.

VaNaison Bunu

VaNaison Bunhu vanova national coordinator weZimbabwe Network of Early Childhood Development Actors (ZINECDA) vanoti Hurumende inofanira kutsigira dzidzo yeECD nemari yakawanda pamwe nekuwanisa vadzidzisi vane hunyanzvi.

“Sadc inofanira kuva nemutemo wekusimudzira fundo yeECD (Sadc Protocol on ECD Education) kuti pave nechikamu chemari yakangomirira kutsigira dzidzo yedanho iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links