Eureka yobatsira vagari vekuGuruve . . . mhuri 38 dzapihwa huku, chikafu nemishonga

26 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Eureka yobatsira vagari vekuGuruve . . . mhuri 38 dzapihwa huku, chikafu nemishonga Vagari vekuGuruve vachipihwa chikafu chehuku

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuGURUVE

MHURI 38 dzemubhuku rekwaMuroiwa, kuGuruve, kudunhu reMashonaland Central – idzo dzakakanganiswa mugariro nekuvakwa kwemuzinda wemugodhi wezvicherwa weEureka Gold Mine – dzakapihwa huku dzekupfuya nechikafu chacho kubva kukambani iyi.

Vakawaniswa huku 50 pamhuri imwe neimwe, 250 kgs dzechikafu chehuku, mishonga yacho nezvimwe zvakasiyana.

Pamusoro peizvi, mhuri idzi dzakadzidziswa machengeterwo ehuku.

Mumwe wevakabatsirikana nechirongwa ichi, Mai Plaxedes Gandawa, vanotenda rutsigiro urwu vachiti rwuchaita kuti vakwanise kuzvivambira mabasa anovapa mari yekuriritira mhuri.

Kanzura weWard 21, VaJotham Nyikadzino, vanotendawo rubatsiro urwu.

Vanorumbidza Eureka Gold Mine uye ndokukurudzira vose vakatsigirwa kuti vatevedzere zvidzidzo zvavari kuwaniswa nekambani iyi sezvo zvichizova nhaka yeupenyu.

Hukwana dzakapihwa mhuri dzemubhuku rekwaMuroiwa kuGuruve

“Kambani iyi yaratidza kuti ine kudyidzana kwakanaka neveruzhinji munharaunda,” vanodaro.

VaTinago Tinago vanova mukuru weEureka Gold Mine vanokurudzira vagari venzvimbo iyi, avo vakabatsirwa nemabhindauko ehuku, kuti vaabatisise.

Chikafu nemidziyo yekudyira huku

“Mabasa ezvicherwa atiri kuita aripo mukusimudzira raramo yeveruzhinji zvichifambirana nedonzvo remutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa rinotaura kuti nyika inovakwa nevene vayo. Nokudaro ngativakei nyika yedu pashoma nepashoma, tinosvika chete.

“Kana mabhindauko aya akaitwa nemazvo, nyika inobudirira zvichifambirana nehurongwa hweNational Development Strategy 1 (NDS1),” vanodaro.

VaGodfrey Chireru, avo vanova District Information Officer kuGuruve, vanoti mumakore adarika, kambani yeEureka yakacheresa zvibhorani munharaunda nekutsigira zvimwe zvikoro zviri muGuruve nemabhuku.

Share This:

Sponsored Links