‘Fambisai zvipfuyo zviri pamutemo’

28 Feb, 2024 - 14:02 0 Views
‘Fambisai zvipfuyo zviri pamutemo’ Varimi vokurudzirwa kuti vasiyane nekatsika kekufambisa zvipfuyo kubva munzvimbo kuenda kune imwe pasina magwaro anovapa mvumo uye izvi zviri kuitwa senzira yekudzivirira kupararira kwezvirwere zvinosanganisira January Disease.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa rinokurudzira varimi kuti vasiyane nekatsika kekufambisa zvipfuyo kubva munzvimbo kuenda kune imwe pasina magwaro anovapa mvumo.

Izvi zviri kuitwa senzira yekudzivirira kupararira kwezvirwere zvinosanganisira January Disease.

Kubva munaNdira gore rino, mombe dzinosvika makumi mashanu dzinonzi dzakatouraiwa nekuda kwevarimi vaityora mutemo uyu.

Dr Reverend Spargo, avo vanova deputy director kuchikamu cheVeterinary Field Services, vanoti dambudziko rekufambiswa kwemombe zvisiri pamutemo riri kuramba richikura munyika.

Izvi, vanodaro, zvakaita kuti vaone zvakakodzera kutora matanho ekupfura mombe dzacho dzinenge dzasiiwa dzichipinda munzvimbo dzese-dzese dzenyika pasina magwaro.

“Nyaya idzi dziri kuwanda saka kubva kutanga kwemwedzi waNdira gore rino, takaparadza mombe 50 idzo dzaifambiswa dzisina magwaro. Tinokurudzira varimi kuti vaende kunotora magwaro ekufambisa mombe kuitira kuti tideredze kupararira kwezvirwere zvinozotipa matambudziko makuru kuti tizvipedze. Tinoda kuderedza zvekare nyaya dzekubiwa kwemombe uye kurasikirwa nedanga renyika nekuda kwezvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa nekutevedza mitemo,” vanodaro.

Dr Spargo vanoenderera mberi vachiti: “Zvinhu zviri nyore kuti murimi akangwara ave nemagwaro ekufambisa zvipfuyo zvake nenzira kwayo asi vaya vacharamba vachiita nharo vane mikana mikuru yekutozorasikirwa nadzo. Takatoona kuti mombe dzose dziri kufambiswa zvisiri pamutemo dzine mikana yakawanda yekuparadzira zvirwere.”

Dr Spargo

Hurumende ine chinangwa chekuchengetedza danga renyika apo iri kutsigira varimi nemishonga yekurwisa zvirwere zvezvishambwe pasi pezvirongwa zvinosanganisira Presidential Blitz Tick Grease Programme, kuvandudzwa kwemadhibhi pamwe nekuvakisa mamwe matsva.

“Tinoramba tichiyambira varimi nevanotenga zvipfuyo kuti vasiyane netsika yekufambisa zvakadai semombe, mbudzi nehwai kana vasina magwaro ekufambisa kubva kuchikamu chevanoona nezvezvipfuyo cheDepartment of Veterinary Services (DVS). Vese vachabatwa vachipara mhosva iyi (Contravening the provisions of Animal Health (Movement of Cattle and Pigs) Regulations, 1984) vachaona zvipfuyo zvavo zvichiparadzwa ivo vachisungwa zvekuti vanogona kubhadhariswa faindi kana kuendeswa kujeri,” vanodaro Dr Spargo.

Vanoti magwaro ekufambiswa kwezvipfuyo anowanikwa kumapurisa achiratidza kuti muridzi wemombe apihwa mvumo yekuti dzifambiswe kubva panzvimbo kuenda pane imwe.

Dr Spargo vanokurudzira zvekare veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzekufambiswa kwezvipfuyo zvisiri pemutemo kumapurisa kana kune veDVS vari padyo navo.

Share This:

Sponsored Links