Farira chidzidzo cheShona

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Farira chidzidzo cheShona

Kwayedza

Ticha Danga
TINOTI titambirei kubva mugwaro rechitanhatu muchipinda mugwaro rechinomwe iro rinopendera kupera kwedzidzo yavaduku yepasi (primary). Zvinoreva kuti imi mabva zera kana zvomodzidza zvinochifanirawo kuratidza kubva zera. Tanga tiri mukati mekubhubhuma mavhizhongo atanga takagadzirirwa muKisimusi umu takaroverera mijivha nemitodo yemhando yepamusoro iyo takatengerwa navabereki. Apo vamwe vaipembera kudai vamwe vaiva vakasuwa zvikuru nekuti vakange vasina kubuda zvakanaka muzvidzidzo zvavo zvegwaro rechinomwe.

Hakuna nguva inooma seiyo yekuti panenge podiwa kutsvagwa nzvimbo yechikoro chedanho repamusoro (secondary) iwe wakakoromoka hako pazvibodzwa. Vabereki vanoshushikana chose vachibinduka nekutsvaga nzvimbo iyo inenge ichinetsa kuwana. Kune vaya vakaringana vane twose twakakakwana vanoita saraude pazvikoro zvavanoda.

Chikonzero chekutambura nenzvimbo chinotangira izvozvi. Zvino ndati nditore mukana uno kuti chikamu chino chekuvhurwa kwezvikoro chingobva chanangana nekupa yambiro tisati tabata dzidzo yakadzama kuti tizive kuti chiShona chidzidzo chakakosha zvikurusa.

Chekutanga chiShona nemimwe mitauro yemuno ndiyo mitauro yaamai inoshandiswa neruzhinji rweZimbabwe. Hatidi kudzikisirwa mimwe mitauro yerurimi rwaamai kwete asi kuti pandimi dzinokwanisa kutaurwa dziri gumi nenhanhatu, chiShona chinowanikwa chichitora bandiko guru kupfuura mimwe mitauro yose.

Mitauro yose yakangokosha uye yakafananirwa kupihwa ruremekedzo rwayo kuti tigokwanaisa kuchengetedza nhoroondo netsika dzedu.
Chechipiri ndechekuti Shona inozoburitsa paumire chaipo kana bvunzo ronyorwa munaZvita nekuti kana wakanga usina basa nayo uchiibatira zinyekenyeke inozokupinza muchikoro chausingadi gore rinotevera.

Unogona kunge masvomhu wakacheka, chiRungu haikona kana naiyo generari pepa, wanike kuShona kumakwishu, wakaridiguka zvinoshamisha zvibodzwa zvobva zvataramukira kure kwakadaro uko. Izvozvo zvinobva mukushaya hanya, kungoti hachina basa chiShona.

Nekuda kwekusabuda zvakanaka muShona, uchaenda kuchikoro chepasi pasi chinotorwo chero vakafoira, chiya chinonzi Mukumbazvose. Hakuna dzidzo chaiyo svinu inomboitika ikoko kunze kwekutungana kwembudzi.

Zvoreva kuti chiRungu chako chichadzikira nekuda kwemhando yechikoro nevadzidzi vaunenge wazosangana navo. Masvomhu ako aya achava chinhu chisina maturo nekuda kwechikoro chawaenda. Iwewo wacho unenge watova wemhando yepasi nekuda kwechikoro chawaenda. Zvese izvi zvinounzwa nekutarisira chiShona pasi, nekudaro ndiri kupa yambiro tichitanga gore kudai kuti titore chiShona sezvimwe zvidzidzo nekutochiisa pamusoro nekuti tichachida chero zvazvo tisingachidi.

Pane chimwe chikoro vana vakakundikana chiShona pakupera kwekotoro yepakati pegore (mid-year tests). Vakaenda havo kuzororo asi mukuru wechikoro akashushikana nazvo ndokuronga zano. Akati pamusi wekuvhurwa kwechikoro kuvana pamutsetse (assembly) munhu uya akakufoirisai Shona ndamuuraya huyayi mumuone mubhokisi mandamuisa. Vana vakafara vakati hatichafoiri Shona zvakare, handei tinoonekana nezimukonyora iri.

Vakamira mumitsetse vachiti vaone wanei mukati mubhokisi mune girazi rairatidza zviso zvavo. Padivi pegirazi paive pakanyorwa kuti, “Ndiwe wega unokwanisa kuzvisimudzira muchiShona chako”.

Vose vakabuda vakabata shaya zviso zvakadonha. Vakazotanga kuisa simba muzvidzidzo zvavo zvechiShona kotoro yakatevera vakabuda zvakanaka chose.

Saka ndiri kukuyambira kuti tora chiShona sechidzidzo chakakosha, woisa chido machiri. Farira kutaura chiShona chamandorokwati kwete chekusanganisa (slang) wanawo mukana wekuverenga mabhuku akanyorwa nechiShona kuti uvake mutauro wakadzama. Zvipewo nguva yekuitawo zvinyorwa zvako neShona.

Share This:

Sponsored Links