‘Fodya ngaipe pundutso’

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Fodya ngaipe pundutso’

Kwayedza

KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors inoti zvakakosha kuti varimi varime fodya yavo nenzira ine hunyanzvi kuitira kuti igove yemhando yepamusoro inozovapa mari ine pundutso.

Vachitaura nevarimi vefodya svondo rapera vari pamusha pemurimi mukuru, VaFrancis Jaricha, kwakaZangarare kuKaroi, VaTendai Mavhu vanova Chief Starter wekambani iyi vakati kuti fodya ive negoho rakanaka inofanira kunge yakarimwawo zvine hunyanzvi. “Nzvimbo yeHurungwe ndiyo ine varimi vane fodya iri kunyanya kutengwa nemitengo yakanaka gore rino naizvozvo zvakakosha kuti tiuye kwavari tichivandudza nzira dzekurima kwakanaka. Mutengo wakanaka pafodya kuvarimi unouyiswa nekunaka kwayo. Varimi vanofanira kurima fodya maringe nenzvimbo dzavari pamwe chete nehurefu hwemwaka yematunhu avanogara.

“Murimi wefodya anofanira kutanga aona vanamazvikokota vezvekuuchikwa kwembeu dzefodya kuti azokwanisa kuziva kuti nzvimbo yake inoda fodya yakaita sei. Basa redu isu kumirira zvido zvevarimi pamwe chete nekuti fodya yavo itengwe nemitengo yakanaka,” vakadaro VaMavhu.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaCourage Mubaiwa vesangano reZimbabwe Tobacco Seed Association vachiti zvakosha kuti varimi vave neruzivo rwemhando yembeu yefodya inopa goho rakanaka kumatunhu avo.

“Kuti varimi vave negoho rakanaka, kungava pachirimwa chipi zvacho, vanofanira kuziva mbeu yekurima zvichienderana nenzvimbo dzavari. Kune varimi vachangotanga, vanofanira kuziva kuti kwavangawana ruzivo rwakakwana maringe nekurima ndekupi. Zvirimwa zvakaita sefodya hazvingodi kuti munhu angoti chero ndatenga mbeu.’’ vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>