Form 1: ‘Hazviite izvi’

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Form 1: ‘Hazviite izvi’ VaDokora

Kwayedza

VABEREKI vari kutambira zvakasiyana danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti nzvimbo dzevana veForm 1 dzebhodhingi dzegore rinouya dzitsvagwe kuburikidza nekushandisa dandemutande (internet).Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, nguva yadarika vakati vose vachada kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kuzvikoro zvebhodhingi, vachashandisa dandemutande inonzi Electronic Ministry Application Platform.

Vanoti vabereki vanozadzisa zvinodiwa pafomu iri vachishandisa dandemutande apo vanosarudza zvikoro zvitatu zvavanoda kuti vana vavo vazoenda kunotanga Form 1.

Vabereki vanozoziviswa kuburikidza nemashoko achazotumirwa panharembozha dzavo mazita ezvikoro izvo vana vavo vanenge vawana nzvimbo.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti vamwe vabereki vari kutsigira danho iri zvisinei kuti kune vamwe vari kupokana naro.

Mai Karen Machingura vekuKuwadzana 3, muHarare, vanoti kunyangwe zvazvo kushandiswa kweruzivo rwechimanje-manje kwakakosha, pane njodzi yekuti vabereki vanogona kutsotswa nemaguruvhani anove nyanzvi dzekushandisa makombiyuta.

Mai Karen Machingura

Mai Karen Machingura

“Kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti kwakakosha zvikuru nekuti kunoita kuti mashoko ange achifamba nekukasika pasina kushandisa mari zhinji. Asi dambudziko riripo nderekuti kana pari panhau yekutsvaga nzvimbo dzeForm 1, hazvingangoitwe chimbi-chimbi pasina kufundiswa kwevabereki nevana kuti zvinofambiswa sei.

‘‘Tinogona kutopedzisira tave kutsvaga nzvimbo kuzvikoro zvakazara nechekare togumisira tashaya nzvimbo dzacho zvachose,” vanodaro Mai Machingura.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinoda kutanga tawaniswa dzidziso yakazara kuti tisazogumisira tava kubirwa mari yedu nemakoronyera ayo anoita hutsotsi hwepaindaneti.

‘‘Mamwe matsotsi anogona kutogadzirawo mafomu avo ekuti vabereki vanyorere pakutsvaga nzvimbo ayo vanoisa paindaneti vachinangana nezvikoro zvinonyanya kudiwa.”

Zvisinei, Patience Gamanya (30) anopokana nepfungwa iyi achiti vanhu vanofanira kufambirana nenguva uye zviri nyore kutsvaga nzvimbo yechikoro kuburikidza nedandemutande.

Patience Gamanya

Patience Gamanya

“Ini ndinoona zvakanaka kuti nzvimbo dzitsvagwe kuburikidza neindaneti nekuti zvinoita kuti isu sevabereki tisadhurirwe.

‘‘Ndanzwa nekufamba ndichitsvaga nzvimbo kureva kuti panenge pachidiwa mari yebhazi yangu neyemwana ari kutsvakirwa nzvimbo uye yekudya.

“Asi kana zvikange zvichiitwa kuburikidza neindaneti, zvinenge zvave kureva kuti tinenge tave kuchengetedza mari dzedu nekuti pamwe pacho unofambira pasina. Kana mhinduro ichinge yauya, mubereki ndipo paanobhadhara mari orongedzera mwana kuti aende kuchikoro.

“Kune dzimwe nyika dzakasimukira, vanhu vanoisa mari dzavo mumabhanga pamwe nekudzitora vachishandisa indaneti (e-banking) zvichifamba zvakanaka,” anodaro. Mai Rebecca Toruvanda (33) vemuHarare zvakare vanoti zvinonetsa kuti mubereki atsvagire mwana nzvimbo yechikoro achishandisa indaneti sezvo pachidiwa kombiyuta kana nharembozha yemhando yepamusoro izvo zvinodhura kuzvitenga.

Mai Rebecca Toruvanda

Mai Rebecca Toruvanda

“Kuti ushandise indaneti kutsvaga nzvimbo yechikoro hunge uine kombiyuta kana nharembozha yemhando yepamusoro. Kuti indaneti inge ichishandiswa, nharembozha inofanira kujuswa saka zvose izvi zvinoda mari, kureva kuti vabereki tichadhurirwa zvikuru.

“Handi vose vabereki vane nharembozha dzemhando idzi uye ruzivo rwekushandisa indaneti. Izvi zvinoreva kuti vana vane vabereki vane mari uye vakadzidza ndivo vachawana nzvimbo dzeForm 1 varombo nevagari vekumaruwa vachishaya,” vanodaro.

Mai Mildred Tizwe (37) vekuCorobrough, muHarare, vanotiwo hazvibatsiri kuti vabereki vangonzi vapinde muchirongwa chavasinganzwisise kuti chinofamba sei.

Mai Mildred Tizwe

Mai Mildred Tizwe

“Hongu, vanogona kufunga kuti kana vabereki vakaapuraya nzvimbo dzeForm 1 vachishandisa indaneti zvinogona kuderedza nyaya dzehuwori asi handizvo nekuti kune huwori hwakawanda huri kuitika kuburikidza nekushandiswa kwemakombiyuta asi husingabatwe kana zvichienzaniswa nehwevanhu vanotambidzana mari mumahofisi. Kana mhosva idzi dzichinge dzaparwa, dzinonetsa zvakare kuti dzinge dzichirondwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>