Gadzirirai chikoro nguva iripo

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

KUBVA mukupedza kunyora kwatakaita bvunzo musi wa4 Gumiguru, takambosaruka zvikuru tichifarira kuzorora kwakange kwauya. Zvemabhuku takamborasa uko uye vamwe takabva tatogovera mbatya dzataishandisa kuzvikoro nekuti takabva tagura kupinda muchikoro imomo.

Vamwe vakatoshanya nzendo kuenda kure kunoona hama neshamwari. Zvirikwazvo takambosaruka asika chimwe nechimwe chine nguva yacho nekuti goho redu ratanga takamirira ndiyo nguva yaro ino. Kunyorwa kwechirongwa chino kunogona kunotadza kuti gedye gedye nemazuva ekuuya kwegoho asi chokwadi ndechekuti haripotsi kupera kwaMbudzi kana kutanga kwaZvita.

Kuuya kwegoho kune zvinhu zviviri zvinoitika. Kunogona kufadza kana kusuwisa. Vaya vanenge vakaita zvakanaka vanopembera nemufaro asi vaya vasina kuita zvakanaka vanova nenguva yakaoma.

Dzimwe nguva kusabuda zvakanaka mubvunzo kunogona kusvika pasina kunaka kubudikidza nemashoko anobva muvabereki kana vachengeti vemunyori webvunzo. Kurudziro yandingapa ndeyekuti hatigutsikanei negoho uye zvabuda mubvunzo ndizvozvo. Ngatisiyanei netsika yekutsamwa kusvika pasiriipo nekuda kwebvunzo chete.

Kune vaya vanenge vabuda zvakanaka ngatifarreiwo zvine mwero nekuti tinogona zvakare kupinda pasipo nekufarisisa. Zvakanaka chose kutunhidza mwana anenge akunda mubvunzo dzake asi chakakosha kumutunhidza nekumutsvagira chikoro chepamusoro, momutengera mbatya dzepamusoro dzekuchikoro nedzeKisimusi nezvese zvingadiwa kuti atange kotoro yegore rinouya zvakanaka.

Munenge mwana iyeye zvemhando yepamusoro.

Kufara kana kusuwa kungavepo asi mangwana achauya chete nekudaro zvese zvatinoita ngatiitei tiine tariro. Mwana wese achange achienda kuchikoro kotoro inotevera nekudaro kutoita gadziriro nguva ino ndiko kune pundutso zvakare vana ngavaendeswe kuzvikoro zvine guhu rekudzidza nekuti vakangokandwa chete hazvizofambi zvakanaka kuzvukoro ikoko.

Vamwe vana vanokundikana munyaya dzemabhuku asi idzo dziri nyanzvi dzemitambo yakasiyana. Vana ivava ngavawane kurudziro yekuita zvavanogona kubva kuvabereki vavo uye navarairidzi chaivo

Bumbiro idzva redzidzo rakavandudzwa kuitira kuti vana vawanewo zvakanaka zvavanoita kuitira ramangwana ravo. Havasi vose vana vangaita madhokotera, vanamukoti, mabharani kana varairidzi. Kunodiwawo vanoitawo mitambo yepazvivhitivhiti, kuveza, kana kutamba nhabvu.

Zvinoreva kuti munhu wese ava kuwana mukana wekuita zvaanogona zvichizomubatsira mune ramangwana rake. Saka zviya zvekutsamwira mwana kuti akundikana pabvunzo hazvicharevi chinhu nekuti ane kwake kwaanogonawo.

Vatambi venhabvu vaita mukurumbira pasi rose havana kure kwavakaenda nechikoro asi tarisai mazakwatira emari avainawo uye madziva emotokari dzavanofamba nadzo. Dzimba dzavo hatitauri.

Share This:

Sponsored Links