Gadziriro yekukohwa

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ivan Craig —
KURIMA kunorwadza zvikuru, asi kunozonyaradzwa nemari inenge yawanikwa kubva mukutengesa zvinenge zvakohwewa. Nekudaro muchinyorwa chino ndinoda kuti titarise nzira dzakasiyana-siyana dzekuchengetedza gohwo parinenge richiri mumunda kunova iko kugadzirira kukohwa.

Munda unoda kugara wakachena, usina sora kusvika pakukohwa kuitira kuti tisatore nguva yakareba kudarikidza yataifanirwa kutora tichikohwa nokuti zvinotidhurira zvichidya goho. Chimbofungai muchipa vashandi sadza pamazuva amadarikidza nawo uyezve mari yemazuva adarikidzirwa nawo, apa mugwazo haushandi.

Izvi zvinokonzerwa nekuti kufamba kwevanhu kwakadzorwa nekupiringishwa nemasora uyezve vanenge vachibaiwa netsine neminzwa inenge iri musora. Musakanganwe zvakare kuti sora rikaita vana zvoreva kuti munenge muine nhamo nesora mwaka unotevera.

Ngatigadzirei mumicheto memunda kuti mugare makachena muine nzira yemoto (fire guard) kuitira kuti kana kwaita moto, hausvike kuzvirimwa, munongoziva kuparadza kunoita moto. Nzira iyi inobatsira zvakare kuti muone mhuka dzinenge dzapinda mumunda, chero mbavha munoona netsoka.

Ndati chengetedze goho nekuona kuti hapana mhuka dzesango kana zvipfuyo zvinopinda zvichinodya zvirimwa. Haasi munhu wose anofarira kurima, nekudaro tinoona kuti vamwe vevanhu ava vanorarama nekuba, saka tinoti chengetedzai zvirimwa musati makohwa kuitira kuti gohwo richengetedzeke. Toziva kuti munogona kunge muine mapurisa anochengetedza minda, asi ngatisakanganwe kuti mupurisa anodawo mupurisa anomuongorora.

Samusha kana sapurazi itaiwo chido chekupota muchipinda mumunda muchiona kuti hapana nzungu, mbambaira, nyimo, matapiri nezvimwewo zviri kucherwa pakati pemunda nekuti kana zvichibiwa vanoenda pakahwandika kuitira kuti mazuva ekuba awande. Kana chiri chibage, vanoenda pakati pemunda vonoba ipapo vozobuda nacho mumunda chava maguri kana musvo.

Ndinovimba kuti mose, kunyanya madzimai, munoziva kuti zvinhu zvinyoro zvinorema kudarika zvakaoma, ndosaka madzimai vachiti kana vanowacha hembe kurwizi, vanodzoka kumba dzaoma kuitira kuti dzisavaremere kutakura.

Zvakafanana nezvirimwa, hunyoro hunowanza goho. Ndiri kuti kana chirimwa chichinge chasvika panguva yekuoma zvekuti chinochengeteka chisingaori kana kuti chinotengeseka, chibvai makohwa motengesa kana kuchengeta nekuti mukasiya chichiramba chichioma zvinoreva kuti muri kusasikirwa negoho.

Zvipfukuto netumwe twumbuyu twunodya zvirimwa zvichiri mumunda kunyanya chibage. Tikarega chibage chiri mumunda chaoma kwenguva yakareba chinopfukutwa zvekuti hapana chamunozokohwa chapfukutwa chese kana kuti munokwanisa henyu kukohwa asi hachizokupei mari yamunenge makatarisira.

Nzira yekuzvigadzirisa ndeyekukohwa chibage chichingooma. Nzungu nenyimo dzikaregerwa dziri mumunda kana zvichinge zvaibva zvinopedzisira zvava kumera nekudaro hazvichanake kudya kana kushandisa uye hazvitengeseki murimi orasikirwa negoho. Mbambaira dzinoda kucherwa nguva ichipo dzichinaka kuitira vanotenga vaonewo kuti mari yavo yashandiswa zvinovagutsa, imiwo sevarimi moitawo mari yakanaka.

Ndinovimba kuti sevarimi makaona kuwanda kwemvura nekukura kwehuswa mukacheka huswa muchichengeta kuitira chikafu chemombe.

Nyaya yangu iri pakuti mombe dzinofanira kutipa goho rakanaka chero munguva yechando. Tinoona kuti mombe dzinorasa miviri yadzo yakanaka kubva munaChikunguru zvichienda mberi, zvekuti vanotenga mombe vanopedzisira vobhadhara mari iri pasi-pasi pemutengo waunofanira kunge uchibhadharwa.

Kana tichinge takohwa chibage, ngatiedzei kuchengetedza mashanga zvakanaka pasi pemumvuri kuitira munguva yechando tozoatora nehuswa hwatinenge takohwa tocheka cheka tosanganisa toisa molasses netwusauti, topa mombe nemvura yakawanda. Ngatisape mbavha dzemombe dzichitibira mombe dzedu nekuti dzine utano husina kumira zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>