Gakava renhumbi dzemushakabvu rakwidzwa kumatare

04 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
Gakava renhumbi dzemushakabvu rakwidzwa kumatare Judith Sharata (akabata magwaro)

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MUDZIMAI wekwaMutare ari kunetsana nevabereki vemuroora wake pamusoro penhumbi kana kuti midziyo yake iyo anoda kuti ibviswe pamba pehanzvadzi yake mushure memwedzi mumwe chete ashaya.

Judith Sharata akaendesa Musa Guyo kudare reMutare Civil Court svondo radarika nekuda kwenyaya iyi.

Dare rakanzwa kuti hanzvadzi yaSharata anova mushakabvu aive akaroora hanzvadzi yaGuyo iyo yakashaikawo zvakare.

Hanzvadzi yaSharata yakashaika makore maviri adarika apo hanzvadzi yaGuyo ichangobva kufa.

Sharata akakumbira dare kuti Guyo abvise mbatya nemidziyo zvehanzvadzi yake mumba mehanzvadzi yake, achiti mhuri yavo inoda kurojesa imba iyi kuti iwane mari yekurera vana 17 vakasiiwa nemushakabvu.

Anoti vakazivisa mhuri yekwaGuyo nezvenyaya iyi parufu rwemwanasikana wavo asi havana kuda kuterera.

Sharata anoti kunze kwekubvisa midziyo nembatya dzemwanasikana wavo pamba apa, vemhuri yekwaGuyo vakatokiya magonhi ndokuenda nemakiyi vachiti vaida jeredzwa yemari yeroora.

Sharata anoti akapedzisa kubhadhara roora raive rasiwa nehanzvadzi yake.

“Hazvadzi yangu mushakabvu akaita vana 17 nemadzimai akasiyana. Imba iyi yakatovakwa nemushakabvu nemumwe mudzimai kwete mwanasikana wekwaGuyo. Hapana chikonzero chekuti varambe vakabata makiyi emba ivo vachinyima vana vasara nhaka yababa vavo.

“Ini handikwanise kurojesa imba iyi kana muchiri nezvinhu zvavo mukati. VekwaGuyo vakavimbisa kuti vaizotora midziyo kana roora rapedza kubhadharwa izvo takakwanisa kuita sekudaro, asi vave kutsika-tsika. Vanoti panofanirwa kutanga paitwa nyaradzo yemwanasikana wavo,” anodaro.

Mhuri yekwaGuyo, anodaro Sharata, haisati yave nezuva rekuita nyaradzo iyi.

“Havana basa nekugara zvakanaka kwevana vaviri vehanzvadzi yavo sezvo midziyo yavo – kusanganisira magwaro ekuzvarwa – zvakavharirwa mumba. Chavanongoda imari chete, asi isu tinogona kuwana mari iyoyo chete kana tikaisa maroja muimba iyoyo.

“Vedare, handikwanise kuriritira vana 17 vakasiiwa nehanzvadzi yangu. Ini ndachembera, handina simba uye handikwanise kushandira vana ava,” anodaro Sharata.

Guyo, uyo akange ave kututuma nehasha, haana kupihwa mukana wekupindura sezvo mutongi, VaXavier Chipato, vakarasa nyaya iyi ndokuudza Sharata kuti anopihwa mazano neveLegal Aid Directorate ekuti nyaya iyi yofambiswa sei.

Asi Sharata haana kugutsikana nazvo ndokusimbirira achiti nyaya yake yaifanirwa kutongwa mudare iri chete.

“Mwanangu, tese tiri vanhu. Iwe wakabva kuvanhu iwe, ita semunhu akabva kuvanhu.

“Pachivanhu chedu, hazviiti saka ndatouya kwauri kuti undibatsire. Mwanangu usadaro, tese tiri vanhu,” anodaro Sharata.

VaChipato vakatozotsanangura kuti sei vaive varasa nyaya iyi kumwanakomana waSharata sezvo akaramba akatsika madziro achiti dare iri ndiro rinofanirwa kutongwa nyaya yake chete.

Share This:

Sponsored Links