‘Girlfriend iri kuramba kurambwa’

08 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
‘Girlfriend iri kuramba kurambwa’ Prince Mandina Makoni

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ari kushungurudzwa neaimbove shamwarikadzi yake uyo ari kuuya pamba panogara achiita ruzha nekutukirira mudzimai wake.

Prince Mandina Makoni audza dare reHarare Civil Court kuti Lucia Mapanzira ari kuramba kuzvitambira kuti haachamude.

“Ndinogara padzimba dzemudurikidzwa muno muHarare saka mumwe musi akauya achinditsvaga nekuti aisaziva pandinogara ndokutanga kugogodza magonhi evavakidzani vangu kubva kumusoro chaiko zvinove zvakagumbura vamwe vavo. Apo akasvika pamba pangu, akatambirwa nemudzimai wangu ndokutanga kumutuka achiti sei murume wako asina kundiudza kuti akaroora,” anodaro Makoni.

“Anotumira mashoko panhare yangu achindituka uye kundityisidzira kuti achauya kuzotora mimwe midziyo kubasa kwangu.”

Achipawo divi rake, Mapanzira anopikisana nemashoko aya achiti haana kuita ruzha pamba panogara Makoni, asi kuti aida kuziva paanogara chete.

“Hongu, mudzimai wake ndakamuona asi takataurirana semadzimai, handina kana kumbomutuka. Chandaida kugutsikana kuti ane mudzimai here ndokusaka ndakabva ndangobva pamba pake,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Makoni gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links