Goho rebhinzi roderera

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Goho rebhinzi roderera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE iri kushushikana zvikuru nekuderera kwegoho rebhinzi kana richienzaniswa nezvimwe zvirimwa zvakadai sechibage. Izvi zvakataurwa nemunyori mukuru kubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, mumashoko avo avakaverengerwa naDirector-Divison of Crops Research Department of Research and Speciality, VaDumisani Kutywayo, pazuva rekuparurwa kwechirongwa cheNew Pan African Bean Research Alliance (NPABRA) muHarare nguva pfupi yadarika.

“Parizvino mahekita 29 047 ebhinzi akarimwa mwaka uno kana tichienzanisa nemahekita 1,5 miriyoni echibage akarimwa munguva imwe chete iyi,” vakadaro.

Kushomeka kwechirimwa chebhinzi, vakadaro VaChitsiko, kwakakonzerwa nezvinhu zvakawanda zvakadai sekushaikwa kwembeu yemhando yepamusoro panguva yekudyara nekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Nekuda kwematambudziko aya, varimi vazhinji vakaona zviri nani kuti vange vachirima bhinzi mukati meminda ine chibage. Zvekare varimi vazhinji vebhinzi vanowanzoshandisa bhinzi dzavakarima mumwaka yakadarika sembeu zvinova zvinoderedza goho kana tichienzanisa nevanenge vatenga mbeu itsva,” vakadaro.

VaChitsiko vanoti kunyangwe zvavo Hurumende ichitenda basa guru riri kuitwa nenyanzvi dzinoona nezvekurimwa kwebhinzi, kuburikidza neongororo inoitwa zvinotaridza kuti pachine basa rekuona kuti mhando dzakasiyana dzembeu yebhinzi dzavandudzwa, zvikuru idzo dzinotirira kuzvirwere nezuva.

“Kusakara kwevhu, tumbuyu nezvirwere uye nzara ndezvimwe zvezvigozhero zviri kusanganikwa nazvo munyaya dzekurima bhinzi. Chirimwa chebhinzi chiri nyore kuoma kana kukapisa kana kutonhora zvakanyanya. Varimi vanofanira kuwaniswa mbeu nenguva uye ruzivo rwechizvino-zvino rwunofanira kutekeshera kwavari kuitira kuti vafambirane nenguva,” vakadaro.

Vanoti chirimwa chebhinzi chakakosha zvikuru kuvarimi vadiki muZimbabwe sezvo chichibatsira mukuwanisa kudya kwemhuri, muzvipatara nemuzvikoro.

“Kumadzimai akazvitakura, bhinzi dzinobatsira mukuwedzera ropa pamwe nekusimudzira utano kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV,” vakadaro.

VaChitsiko vakatenda NPABRA nemamwe masangano akazvimiririra mukutsigira kurimwa kwebhinzi muZimbabwe.
“Kuparurwa kwemabhindauko ekurimwa kwebhinzi kwakakoshera nyika ino sezvo kuchifambidzana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset icho chine chinangwa chekusimudzira kuwaniswa kwekudya kwakaringana uye kune utano zvakare,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>