Goho rechibage raderera: FAO

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Goho rechibage raderera: FAO

Kwayedza

GOHO rechibage mudunhu reSouthern Africa riri kutarisirwa kuderera nechikamu che26% izvo zvinogona kuita kuti mitengo yezvekudya inge ichikwira mwaka uno, sangano reFood and Agriculture Organization (FAO) rakazivisa.

Gore rino, goho iri riri kutarisirwa kuti richange riri pamatani 21.1 miriyoni, zvichireva kuti rakaderera nechikamu che15% kana zvichienzaniswa nechibage chaiburwa mumakore mashanu adarika.

Sangano reFAO rinoti kuderera kwegoho uku kwakakonzerwa nekunonoka kunaya kwemvura iyo yakaturuka mumwedzi waMbudzi naZvita ichizoteverwa nemafashamu akaitika mumatunhu akasiyana apowo mamwe akashaya mvura iyi zvachose mumwedzi waKukadzi naKurume.

“Gore rapera, matunhu akawanda akawana goho rechibage rakanaka asi gore rino rakaderera zvikuru saka tinofanira kungwarira kusvikira

‘‘Hurumende pamwe nerutsigiro rweFAO vaita ongororo yakakwana mumazuva mashoma ari kutevera,” vakadaro VaDavid Phiri vanove Sub-regional Coordinator weFAO muSouthern Africa.

Vanoti goho iri rakaderera zvakare nechikamu chinobvira pa33 percent zvichidzika pane regore rapera kune dzimwe nyika dzaimbotengesa chibage dzakadai seZambia neMalawi.

Dzimwe nyika dzakave nekuderera kwegoho rechibage dzinosanganisira Botswana, Lesotho, Madagascar, Mozambique, Namibia, Swaziland neZimbabwe.

Mitengo yechibage iri kuonekwa ichikwira munyika dzakasiyana kubvira mumwedzi waKukadzi zvisinei nekuti kunaya kwemvura kwakavandudza zvimwe zvirimwa zvakange zvave kuparadzwa nezuva.

Imwe yenyika dzakave nekukwira kwemitengo yechibage iNamibia.

“Nyika zhinji dzaramba dziine goho rechibage rakaderera mwaka uno asi nekuona dambudziko iri vanhu vakawanda vachaedza napose pavanogona kuchengetedza goho ravo regore rapera zvinova zvichaunza kugadzikana munyika,” vakadaro VaPhiri.

Vanoti kuderera kwegoho uku kuchaita kuti nyika dzinge dzichitenga chibage chinokwana matani 1,8 miriyoni kune dzimwe pakati pemwedzi waChivabvu naKubvumbi.

Chibage chakawanda, vanodaro VaPhiri, chichange chichibva kuSouth Africa asi chizhinji chacho chiri chemhando yeyellow maize icho chinowanzoshandiswa mukupfuya zvipfuyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>