Goromonzi High izere neshasha

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Goromonzi High izere neshasha

Kwayedza

CHIKORO cheGoromonzi High School chakakumba mibairo yakasiyana kumakwikwi eMashonaland East Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika.Mukuru wechikoro ichi, VaAbishah Mujeni, vanoti vakawana mibairo yakawanda inosanganisira yekukunda muzvidzidzo zveA-Level zvakaita seScience pamwe chete nemitambo yakaita sebasketball, nhabvu yevakomana netennis.

“Mibairo iyi yakavapo kubudikidza nekushanda nesimba kwevadzidzisi. Tinotenda zvakare vabereki nekubhadharira vana mari dzechikoro nekutibatsira mune zvakaita sekutenga mabhuku ekuverenga,” vanodaro.

Muhurukuro nevamwe vana vepachikoro ichi, vanoti vanofara zvikuru nekukunda kwavakaita muzvidzidzo nemumitambo.

Hazel Ruzani, uyo ari kuita Form 2 uye achitamba chess, anoti zvemutambo uyu zviri muropa rake.

“Ndakatanga kutamba chess ndiri Grade 3 asi dambudziko nderekuti vanhu vazhinji havakoshese mutambo uyu uye havaunzwisise,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakaenda kumakwikwi eAfrica Youth Games kuPretoria, kuSouth Africa, ndiri Grade 5 ndikazoenda zvakare ndava muGrade 7 kuPort Elizabeth, kwekare kuSouth Africa ndikanohwinha.

“Gore rino, ndakakunda mumakwikwi eUnder-14 ndikawana menduru yegoridhe kuAfrican Youth Games. Ndakakunda zvakare pamakwikwi emaUnder-14 eMashonaland East Provincial Merit Awards.”

Dzimwe shasha dzemitambo yakasiyana pachikoro ichi dzinosanganisira Vuyo Maphosa ari kuita Lower 6 uyo anotungamirira chikwata chenhabvu cheGoromonzi Under-18.

Ropafadzo Nyakutumba akanokwikwidza mumutambo webasketball kuConfederation of School Sports Associations of Southern Africa (COSASA) muna Nyamavhuvhu gore rino akauya nemenduru yegoridhe.

Mumwe mwana wepachikoro ichi, Rumbidzai Gumunyu, anotambira chikwata cheZimbabwe Basketball Women’s national team uye akawana menduru yegoridhe paakatamba kumakwikwi eCOSASA egore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>