Gorosi rava kupera kukohwewa

07 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Gorosi rava kupera kukohwewa Professor Obert Jiri

Kwayedza

Theseus Shambare

KUKOHWEWA kwegorosi rakarimwa mumwaka wechando kunotarisirwa kupera svondo rinotevera apo varimi vakatoendesa kare matani anodarika 137 000 kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB).

Goho regorosi rose rinotarisirwa kuendeswa kumatura aya rinosvika 380 000 rinova guru munhoroondo yechirimwa ichi kubva mugore ra1960.

Zimbabwe inosandisa matani 360 000 egorosi pagore.

Nekuda kwekuti bazi reMeteorological Services Department (MSD) rinoti kuchanaya mvura yakawanda munguva inotevera, varimi vari kukurudzirwa kuti vakurumidze kukohwa gorosi ravo kuitira kuti vasarasikirwe negoho.

Mukuru weAgricultural Advisory and Rural Development Services mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanoti chikamu chikuru chechirimwa ichi chasvika pakuibva uye chichiri chakanaka.

“Kukohwewa kwegorosi kwave padanho repamusoro. Kusvika pari zvino, mahekita akakohwewa mumatunhu ose anosvika 29 092 pamwe nematani 137 666 (kusvika neChitatu svondo rapfuura). Varimi vanofanira kutora mukana wekuwanda kwemichina yekukohwesa (combine harvesters) kuti vakohwe gorosi ravo pachine nguva kuitira kuti vasarasikirwe nekuda kwekunaya kwemvura,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti michina 248 yekukokwesa gorosi iri kubatsira kuti basa iri rikurumidze kuitwa.

Gorosi

“SeHurumende, tiri kutarisira kuti kusvika pakati pemwedzi uno mvura isati yatanga kunaya zvakanyanya, varimi vanenge vapedza kukohwa,” vanodaro.

Sachigaro wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vanoti gorosi rakawanda richabatsira Zimbabwe kudzikisa mari inowanzoshandiswa kutenga chirimwa ichi kunze kwenyika.

VaTafadzwa Musarara

“Kukohwa gorosi nekukasika kunoita kuti tive nemhando yechirimwa ichi inogadzira chingwa chakanaka. Gorosi kana rikanaiwa rinodzikira hunaku hwaro uye rinenge risingachakodzeri kudyiwa nevanhu.

“Zvinoreva kuti murimi anorasikirwa nemari iri pakati peUS$150 neUS$200 patani. Zvisinei, negorosi remhando yepamusoro, senyika tinotengesa kunze kana richinge raraudzira,” vanodaro VaMusarara.

Sachigaro wesangano reNyamavanga Farmers Association, VaSilas Mubhemi, avo vane varimi vakawanda vari kukohwa gorosi remuchando pari zvino, vanorumbidza Hurumende nekuvapa michina inokwanirana yekukohwesa.

“Varimi vedu vazhinji vakakohwa goho ravo uye vakawana matani 5,2 pahekita. Kwasara kuti variendese kuGMB,” vanodaro.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanokurudzirawo varimi kuti vakurumidze kukohwa gorosi ravo mvura yakawanda isati yatanga kunaya.

VaPaul Zakariya

Gwaro repasvondo rebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa rinoratidza kuti Mashonaland West ndiyo yaendesa gorosi rakawanda kuGMB mushure mekuendesa matani 40 304 egoho repakati nepakati rematani 4,6 pahekita.

Asi varimi vekuMidlands neMashonaland Central ndivo vari kutungamira pagoho nematani 5,8 uye 5,4 pahekita kuchiti Masvingo iri pasi nematani akaderera 2,7 pahekita.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>