GRADE 7: Gadzirira bvunzo

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ICHOKWADI kuti kana hore nhema yasumuka kunotevera mvura inoita zvekutsvotsva kunaya. Hore yemvura iyoyo ikakubata uri kumakura, unopinda pakaoma. Ndoda ikazouya iine chimvuramabwe kana matsanza, unodemba vakafa. Saka ukaona mvura iyi iri kure, ibva watambirawo pedyo nemusha.

Ndizvo zvakanangana nemwana ari mugwaro rechinomwe. Hore inotaurwa iyi idima rekuzotadza kuziva chekunyora musi webvunzo. Chimvuramahwe kana matsanza ndiyo mibvunzo iya yakaoma inenge yotenderedza pfungwa nekutemesa musoro.

Zvino kana wakagadzirira wafanana neuya aitambira pedyo nemusha apo aiona hore yemvura ichikunga. Unenge usisavhunduke nekuti wakagadzirira kare.

Tinoda hochekoche kubva muchinyorwa chakapfuura apo taive tichidzidzisana pamusoro pemavambo kana nhanganyaya.

Pamatangiro ese andakataura pane mavambo andakasiya muchikamu chapfuura.

Mavambo aya anoda vana vaya vane humhizha hwekutamba namashoko.

Mavambo aya ndeekushandisa mubvunzo usina mhinduro inowanzoshandiswa kukwezva muverengi kuti ade kuramba achiverenga.

Ungashandisa mubvunzo usina mhinduro sekudai, “Ko iye aifembera kuti zvichaita matakanana akadai ndiani? Ko dai ndaiziva kuti Mujubheki aizondifoonora kudai, ndaimukirako here? Ko icho chakaita kuti ndisanyumwa nemanatsa mukanwa ake chiiko? Zvino nyemba zvadzakange dzandizvimbira kudai ndaizochemera aniko?”

Unenge wasiira muverengi chitsvambe chekuti ade kuzobata musoro wenyaya nekwazvazoperera kubudikidza nekuverenga.

Kana tapedza mutauro wemavambo kana nhanganyaya, tinenge topinda zvino mumutumbi uyo uchaburitsa zvese zvakazoitika munyori achitsigira dingindira.

Mutumbi ndiwo musimboti werondedzero. Mutumbi unoda kuti mwana ave nehunyanzvi hwekugona kutanhaura pfungwa huru odzinanika pachena. Pfungwa huru idzi ndidzo dzichamuvakira zvikamu zverondedzero yake.

Mutumbi ndiwo unogona kuratidza mukwenyi kuti munyori ari mugwara here kana kuti abuda. Kana ari mugwara anenge achitsigira pfungwa huru nezvirungamutaro zvakakodzera achinyatsonama nekutsindira bwasvisvi huya hunyatsokora. Zvikamu izvozvo zvemutumbi zvinoda hochekoche uye zvichitsinana pasina kutaura zvisina maturo.

Kana wabuda gwara mutumbi unobva waramba kudyidzana nemusoro wenya nedingindira. Ipapo unenge wakavira bhora musango nekudaro chibodzwa hapana. Basa rinenge ratofa zvekuti mhedziso inobva yashaya basa.

Kana wasakura wakazunza zvakanaka pamutumbi mhedziso haichakunetsi. Unenge wongokokorodza pfungwa huru wotsvaga ndande yekudzisunganidza kuti dzikuburitsire mutakunanzva wemhedziso.

Kana wavhaidza mvura pamoto wokwatisa sadza nemavivi emoto ronyatsodambuka tsinga asi wozotadza kurimona zvakanaka pekupedzisira rinoita mapundu. Ndizvo zvinoita parondedzero kuti kana wabva kunhanganyaya inotapira wobuditsa mbarure yemutumbi wozokanya madhaka pamhedziso hazvizobuda zvakanaka.

Mhedziso yakakodzera inofanira kuratidza kuti tava kuenda kwamvura yacheka makumbo. Ndipo panopera sarungano.

Chitora mukana iwoyo kujekesa zvimwe zvanga zvisina kunyatsojeka uye svitsa muverengi pakuda kukokota gapu riya ranga richisvootapira.

Unogona kukanda mhedziso yekuti, “Rakati ropinda munaamai varo, ndipo pakasvika Mujubheki akamhimhitira tswanda yakange izere nemanhanga. Manhanga akapatanwa nechinguva chidiki nzara ikabva yatama.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>