Grade 7: Kunyora rondedzero pabvunzo

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

WAPEDZA kusarudza musoro werondedzero yaunoda, chipinda mubasa. Unobvumirwa kuita hurongwa hwako padivi sekuuya kunenge kwaita pfungwa mumusoro. Kana wadai unenge usisadzoke kumashure asi kuti unenge wava kutonyora rondedzero yekugumisira muzvidzidzo zvezasi nekudaro chinyatsoita nemazvo.

Pane zvinotarisirwa kuti mwana agone kuita maererano nemanyorero sekuti kana asarudza musoro wechipiri anobva aisa musoro wenyaya wacho pamusoro panotangira pepa. Nekuti ichi chikamu A, kuruboshwe kwepepa ngaanyorewo sekudaro.

Mwana ngaachirangarira kuti rondedzero inonyorwa sei. Panoda pfungwa huru (topic sentence) inova musimboti wechikamu ichocho. Zvine chekuita nepfungwa huru iyi ndizvozvo chete zvichapinda muchikamu ichocho zvichisimbiswa nezvitsigirapfungwa huru (developers).

Kumagumo echikamu ichocho tinofanirwa kuzowana mhedziso inoenderana nezvataurwa muchikamu ichocho. Kana tadaro tapedza zvechikamu ichocho tonhanhira kune chimwe. Ngoma ndiyo ndiyo muzvikamu zvose zvichatevera, zvinenge zvichienderana nepfungwa huru idzo dzatakaronga.

Panofanirwa kuzoita chikamu chekupedzisira icho chinova zibaba remhedziso. Ndipo panokokorodzwa pfungwa dzese dziri muzvikamu dzozoburitsa mhedziso inobva yavhara musasa.

Zvikamu zvatinovaka ngazvive zvakaenzana. Muzvikamu imomo ndimo mune basa rese richange rakaburitsirwa ziso nevakwenyi. Hatifanirwi kungozadza pepa nerunyoro rwusina zvarwunoreva kuti tingosvitsa mwero wakatarwa unofanirwa kusvikwa asi kuti tinofanirwa kunyora zvine unyanzvi.

Hunyanzvi hunotarisirwa ndehuhu. Chekutanga runyoro rwemwana ngaruve rwunoverengeka pasina dambudziko. Munhu achingotarisa runyoro rwemwana ngaasawana mukana wekushora kuti hapana nezvanyorwa apa asati amboverenga. Pfungwa yake ngainyevenuke nekuona runyoro rwega asati averenga zviri mukati, ndiko kuti asaite pfungwa mbiri nebasa remwana.

Mukunyora ikoko mwana anofanirwa kuziva kunyora chirevo chizere. Chirevo chizere chine vara guru kwekutanga uye chopedziswa nechindaguma (full stop). Zvirevo ngazvive nemwero wekureba nekuti zvikarebesa zvinorasa dingindira renyaya. Vamwe vana havazive pekugumira nekudaro chikamu chinoita kunge mutsara mumwechete.

Mukunyora imomo mwana ngaazive mashandisirwo enyora, zvikomberedzo kana zvikuwo. Ngaangwarire zvakare patsanuro nebatanidzo yemazwi sekudzidziswa kwaakaitwa. Anofanirwa zvakare kuziva kuti hapadiwi zviperengo zvisina kumira zvakanaka kana kunyora mutauro wemasanganiswa. Chinyorwa ngachive chine mazwi ane sungangawirirano. Kana tagona kutevedzera mwero wekuvaka chirevo ngatichikodza mutauro wedu. Zvinorungwa nazvo mutauro zvakawanda chose asi chinodiwa kuziva pekuzvishandisa uye wozvishandisa zvine mwero. Haisi nyaya yekuti ndinofanirwa kungokanda tsumo chete asi kuti tsumo idzi dzinokodzera here.

Zvirungamutauro zvacho hazvidi kuwanzwa. Tine zvirungamutauro zvakawanda zvinosanganisira tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, mienzaniso bonga (fananidzo) nemibvunzo isina mhinduro.

Mwana akaziva mashandisirwo ezvirungamutauro anenge azvibatsira pakukwezva goho kubva kumukwenyi kwete kunyora rondedzero yakapora.

Tsumo dzinopa huremu kuchinyorwa madimikirawo achisimbaradza ukuwo nyaudzosingwi dzichiita sehusavi hunoita kuti sadza rinake. Zvipauro zvinoita kuti mukwenyi webasa avake mifananidzo mumusoro make.

Kana mwana apedza kurunga mutauro nekupendera rondedzero, ngaachiita dzokorodzo yekuverenga chinyorwa chake achigadzirisa zviperengo nedzimwe mhosho dzaanogona kunge aita paangaachinyora. Ngaaone zvakare kuti rondedzero yasvika pahurefu hunodiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>