GRADE 7: Kushandisa zvirahwe

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIRAHWE chinoti, “Tsotso munzira tsotso musango” chinodudza mafambiro anoitwa nembwa kana muri parwendo. Inoti fambe fambe iri munzira yombobuda yodzoka zvakare munzira. Zvinobva zvaratidza kudzama kwakaita zvirahwe mumutauro wedu. Vana sekuru, vana ambuya kana madzitete vaisangotandara nekutaurira vazukuru ngano chete asi kuti vaiita madirativhange kuti zvigonakidza. Mumadirativhange iwayo maiwanikwawo zvirahwe. Zvirahwe zvaidzidzisa nekurodza pfungwa dzavana. Zvirahwe zvaibatsira vana kutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko (problem solving).

Zvirahwe zvikashandiswa nenzira kwayo zvinogona kuburitsa rondedzero inonakidza uye yakadzama ine goho rinoyevedza. Kune vanoona nezvidzidzo tichinangana nekugadzirwa kwemabumbiro vakamisa kuitwa kwezvirahwe muzvikoro. Haisi nyaya yekuti hazvichadikanwi asi kuti vanhu vaive voita zvirahwe zvisina maturo.

Vainge vogadzirisa zvavo zvirahwe zvaingoenderana nezvaafunga. Kwainge kobuda zvirahwe zvechiRungu kana chiraparapa dzokono zvouraya mutauro wedu.

Takange tosangana nezvirahwe zvinoti “Tha kula the bend the head of the baboon become the Synagogue”. Hanzi izvi zvaifanira kududza kuti chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro.

Zvakange zvisisareve chinhu nekudaro kana dziri nyaya dzebvunzo hatichatarisiri kuona zvirahwe zvichibvunzwa asi hazvina kunzi hakuchisina zvirahwe zvichaitwa kwete.

Ukanyatsoita kuirudunura rondedzero ine dzikitsiki rezvirahwe unokohwa pakuru.
Ndati timbopanana nzwiso yemanyorerwo anoitwa rondedzero kana uchida kushandisa zvirahwe. Mukushandisa zvirahwe umu unenge uchiedza kuda kusiyanisa nevamwe zvavange vanyora kuti goho rako rikure asi chirangarira kuti unofanirwa kushandisa zvirahwe zvamandorokwati.

Kuti tione mhando yezvirahwe zvandashandisa ndichazviisa mutaro pasi pazvo.

Pandakanzwa kuti kindingi kindingi kwemutumba unorira usina ura, ndakabva ndawedzera minhasvi yangu asi ndichiedza nepandaigona napo kunzvenga itwo twuya twukomana twunorwa hondo twakaisa makumbo mudenga.

Kana ndichiti mutumba unorira usina ura ndinoreva ngoma. Izvo zvoreva kuti nzira yaifambwa yanga isina kuchena. Maiva nemafeso, nditwo twukomana twekurwa hondo twakaisa makumbo mudenga.

Nekuda kwenzara yanga yakandiputira ndakangosvikoti kuenda humbangu kudzoka humbangu bherengende wanei gomo rekwedu rinopfungaira rinosevewa nesimuka tienzane. Ndakangoti dzumburudzei twugunwe ndiye takarasima naye Tamukomba tikamuparadza.
Ndakatora mombe yababa vangu inonwa yakabatwa muswe ndokuikakaira mvura.

Mushure mekudzvova nhururu ndakabva ndati tseya nemadziro ndokubiwa naiko kakomana kakariga ishe padare.
Chikamu ichi chinodudza kuti pakanga pasina chakanaka nekuti musuwo wakavhurwa zvine chisimba. Musuwo ndiwo kuenda humbangu kudzoka humbangu. Chikara chaitsvaga sadza (gomo rekwedu rinopfungaira) wanei rinodyiwa nehusavi hwederere (simuka tienzane). Shasha yapedza kudya yakatora mukombe (mombe yababa vangu inonwa yakabatwa muswe) ndokushapira mvura. Hazvina kutora nguva kuti hope dzibate (kakomana kakariga ishe padare).

Izvi zvirahwe zvinokuburitsa kubva mune rumwe rudhende rwose rwunokwikwidzana mukunyora zvakafanana.
Ndakazoti pepu wanei jira rababa vangu risingapere kupetwa rakati ngwee nezimuti rakati zhii tsotso nduje warara. Izvi zvodudza kuti denga rakanga rakacheneswa nemwedzi nenyeredzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>