GRADE 7: Madimikira pakurunga mutauro

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NEMHAKA yekuti bvunzo raswedera, rava muberevere, tinofanirwa kuramba tichimbodzoka kumashure kuti tibate bate mutauro tigowana zvekunyora kana bvunzo rasvika. Nyaya huru iripo ndeyekuti hwaro hwemutauro husimbe.
Hwaro hwakasimba zvoreva kuti kunawo nechiShona chichanyorwa murondedzero chinenge chiri mutakunanzva chaiwo.

Pazvidzidzo zvakaitwa pazororo ndakasangana nerondedzero dzairatidza kuti tine vana vakawanda vasingagoni kurunga mutauro kuti ugotapira nekuti vaisanganisa chiRungu nechiShona.

Izvi zvabva zvandiita kuti timboongorora madimikira zvakare nekuti otadzwa kushandiswa zvemandorokwati.

Kana tichida kutaura nedimikira kuti nyaya yaDaphine naDivine inondisekesa zvikuru tinongoti nyaya yaDaphine naDivine inondityora mbabvu. Paya patinoenda kumabiko hatisi tose tinobata nguva. Vamwe vanozosvika zvavafambira zvatopera.

Ndipo patinoti takawana dzamira nemhuru. Muto wemutauro unobva wakora.

Kupeta muswe idimikira rinoreva kunyara apo munhu anosiyana netsika dzakaita sedzekuvhengedzera.

Nekune rimwe divi kupeta muswe zvinoreva kutya. Kune vamwe vanoitira vanhu zvinhu zvisina kunaka zvinozoita kuti naivo vapinzwe pachakaminika vasingafanirwi.

Kana zvasvika pakadai ndipo panonzi akandisikira moto muziso.

Kune zvakare vamwe vane tsika dzakaipa zvekuti zvinenge zvichitoshaisa kana kwekutarisa, kuita kwakadai ndiko kunonzi kunobvisa chimiro.

Murume nemukadzi vakaroorana vakanetsana vanogona kusvika pakuzorambana. Kurambana ikoko kunonzi kugura basa. Kuita zvunhu zvisingabvumirwi kunonzi kuridza ngoma nedemo nekuti zvinhu izvozvo zvinogona kuzopinduka zvikamutsimbirira. Vamwewo vanhu vanoda kugara vachingoropora kutaura.

Ndivo vana Tongombeya vanogara vachitaura uye ndivo vanofambisa mashoko akapinda munzeve dzavo. Ndivo vanonzi vane pamuromo pasingamharwi nenhunzi.

Kana tichirima munhu tinenge tichimutaura nezvake, kunyanya iye asipo. Zvasiyana nekuruma munhu nzeve.

Kana woruma munhu nzeve unenge uchimunyeurira. Hazvina kufanana nekusekera munhu muhapwa nekuti apa unenge usingaratidzi kuti uri kushora asi unoita usingadi kuonekwa.

Zvakada kufanana nekubata munhu kumeso. Kumunyengedza uchipa mucherechedzo usiriwo iye achifunga kuti zvese zvakanaka izvo iwe uri kumunyepera.

Kubata munhu muromo kumumisa kutaura, kunyanya paya panenge paine dare pfungwa dzinopesana.

Vamwewo vanoona sezvinhu zvisina maturo zvekuti vanovatarisira pasi. Vanopedzisira vobata vanhu nekuseri kweruwoko.

Kana wokandira munhu makobvu nematete unenge womuudza makodzamwoyo emazwi ekuti anosara akadzungaira.

Uku kutuka kana kunonota munhu zvakaomarara.

Vamwe vanosvika pakuendesa munhu kwamupfiganebwe izvo zvinoreva kuuraya. Kugara matunduru kutadzisa munhu kuwana mukana wekusumuka kana kuita mhindupindu.

Kupinda mumadzudzo kusvika padanho rakaomarara.

Ndiko kunonzi kuzvitenhera mukanwa mamupere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>